Uncategorized

Masvingo yakatsvinda kudarika ose

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Masvingo yakatsvinda kudarika ose

Kwayedza

DHOROBHA reMasvingo rakawaniswa mubairo wekuva ndiro rakatsvinda nekushambidzika kudarika mamwe muZimbabwe. Munyaya inodyidzana neiyi, kambani yeDelta Beverages inoti ine zvirongwa zvakananga kuchenesa nharaunda nyika yose.
Mai Tsungai Manyeza, avo vanove corporate affairs manager kuDelta Beverages, vanoti kambani yavo yakaisa mabhini anodarika 250 munyika yose ayo ari kushandiswa neveruzhinji mukurasira marara. Masvingo ine mabhini aya makumi maviri.

Kambani iyi iri kushanda nevanhu munharaunda dzakasiyana mukurwisa kuraswa kwemarara pose-pose pasi pechirongwa chinodaidzwa kunzi ‘’MAD’’. Vachitaura neKwayedza svondo rapera, mutevedzeri wameya wedhorobha reMasvingo, Kanzura Jameson Chiwara, vanoti vanofara zvikuru nemubairo wavakawaniswa uyu.

“Mubairo watakawaniswa ndewe kucherechedzwa kwakaitwa dhorobha redu reMasvingo panyaya dzekutsvinda gore rapera saka takapihwa mubairo wacho gore rino. Muno tine motokari dzakawanda dzinotakura marara uye mabhini arimo izvo zvinoita kuti vanhu vasarasire marara pose-pose,” vanodaro Kanzura Chiwara.

Vanotenda rutsigiro rwavanowaniswa nevemakambani eko uye nhengo dzeMasvingo Health Club idzo dzinobatsira mukunhonga marara.
“Tine makambani akawanda ari kutibatsira kuti dhorobha redu rigare rakachena uyewo kanzuru yemuno haina zororo kana pari panhau dzekutakura marara. Tinotenda makambani akaita seDelta Beverages nekuti vakatiisira mabhini uye tinokurudzirawo vose vari mumabhizimusi kuti vaite mukomberanwa mukuchenesa dhorobha redu,” vanodaro Kanzura Chiwara.

Vanoti marara anokanganisa nharaunda pamwe nekuve njodzi mukunyuka kwezvirwere zvakaita semanyoka. Munyori mukuru wedhorobha reMasvingo, VaAdolf Gusha, vanoti vanofara nemamwe makambani ayo ari kutenga marara kune vanoanhonga achinoabika patsva.

“Mumarara mune mari saka pachinzvimbo chekuti vanhu vangoarasira pose-pose, tinovakurudzira kuti vaaunganidze vozonoatengesa kumakambani anobika marara aya patsva. Mabhaketi, makapu, ndiro kana mbatya zvinogona kugadzirwa kubva mumarara,” vanodaro. Mumwe anoita basa rekunhonga marara, Mai Clara Nhubu (32) vekuZiricon Plot, kwekare kuMasvingo, vanoti vave nemwedzi mitanhatu vachiita bhindauko iri.

“Marara andinonhonga ndinozoenda nawo kukambani yePET Waste Gage. Tasvika nawo pakambani iyi, tinoshandisa michina mukutsindira marara aya ozoendeswa kumakambani anoatenga ari kuHarare neBulawayo.

Tinonzwa zvakare kuti mamwe marara anotoendeswa kuChina achinogadzira faibha inoshandiswa pamapaipi, madhiramu, hembe nezvimwe zvakawanda,” vanodaro.

VaAmon Mushongwe vekuWaste Sollution, iyo inotenga marara, vanoti vakatangisawo bhizimusi iri mugore ra2015. Vanoti dambudziko rekushaya michina yekushandisa ndiro rinokanganisa basa ravo remarara.

“Kudai tiine michina yekubika marara kuno hataiwanikwa tichiendesa marara aya kuHarare.
‘‘Michina yacho inodhura zvekusvika kumaUS$20 000. Kudai tiinayo zvaitibatsira zvikuru,” vanodaro VaMushangwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey