Uncategorized

Matambudziko evakaremara

18 Nov, 2020 - 09:11 0 Views
Matambudziko evakaremara Muzvare Talent Maposa

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

VANHU vakaremara mitezo vanonzi vari kusaririra mumashure munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19 nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kusavapo kwezvinyorwa zvevanoshandisa mutauro weSign Language zviri pamusoro pedenda iri uyewo kushaikwa kwerubatsiro rwakakodzera muzvipatara.

Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa nesangano reInstitute for Community Development in Zimbabwe (ICODZIM) apo rakasangana nekomiti yedare reParamende inoona nezvekushandiswa kwemari muguta reHarare munguva pfupi yadarika.

Mukuru wesangano iri, Muzvare Talent Maposa, vanoti mutsvakurudzo yavakaita, zvakabuda kuti munguva ino yeCovid-19 vazhinji vevakaremara vari kuita dambudziko rekuwana rubatsiro serwemishonga yavanoda.

Kuda Mapeture

“Vazhinji vevakaremara vagara vasingawane zvinovakwanira zvisinei nekuti hakuna denda riri kunetsa sezvakaita Covid-19. Denda iri rakabva rawedzera dambudziko kune vakaremara, kunyanya kumadzimai nevanoshaya. Mutsvakurudzo yatakaita, takaona kuti pane mukana wekushaikwa kwezvinodiwa kumadzimai uye nevakaremara, zvakare nevanhu vari kugara kunzvimbo dzakasarira.

“Ruzhinji rweruzivo rwezveCovid-19 harwusi kutarisa vasingaoni kana vasinganzwe sezvo kuri kunyanya kufamba ruzivo runokwanisa kuwanikwa nevanonzwa nekuona,” vanodaro.

Muzvare Maposa vanoti vamwe vakaremara havakwanise kuenda kunzvimbo dzavo dzekushandira nenyaya yemitemo yakaiswa yekuti vanhu vasafambe-fambe nechinangwa chekurwisa kupararira kweCovid-19.

Pamusoro pezvo, Muzvare Maposa vanoti parubatsiro rwemari inopihwa vanhu vanotambura munguva yekurwisa chirwere ichi nemasangano akasiyana, vashoma vakaremara vanowana ruyamuro urwu izvo zvawedzera matambudziko avo.

Mashoko avo anotsinhirwa naKuda Mapeture anova director kuMiss Deaf Pride Zimbabwe achiti vakaremara havasi kuwana ruzivo rwakakwana maererano nekudzivirirwa kweCovid-19.

“Kubva patanga kuuya chirwere ichi, hakuna zvinyorwa zvakagadzirwa nemutauro wekushandiswa kwemaoko (Sign Language) kuitira vasinganzwe kana vasingataure. Izvi zvinoreva kuti chikwata chevanhu ava chakasarira munyaya dzeruzivo maererano neCovid-19. Hapana ruzivo rwakakwana rwenzira dzinofanira kutevedzwa mukudzivirira chirwere ichi uye zviratidzo zvacho,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey