Uncategorized

Matambudziko evakwegura

15 Mar, 2021 - 11:03 0 Views
Matambudziko evakwegura

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO reHelpAge Zimbabwe – iro rinomirira vanhu vachembera – rinoti vakwegura ndivo vanonyanya kurwadziwa nekuomerwa neupenyu pose panonyuka zvirwere sezviri kuitika panguva ino pasi rose.

Chirwere cheCovid-19 chanetsa pasi rose apo chauraya vanhu vakawandisa, ndokusiya vamwe mamiriyoni vachirwara nacho.

MuZimbabwe, vanhu vanodarika 36 000 vabatwa nechirwere ichi apo vamwe vanodarika 33 000 vavo vapona kubva mukurwara nacho asi vamwe vanopfuura 1 400 ndokufa.

HelpAge Zimbabwe inoti pose panouya matambudziko kana zvirwere zvinondengendesa pasi rose, vanhu vakwegura ndivo vanonyanya kukanganiswa upenyu hwavo, naizvozvo vanoda kupihwa ruyamuro rwakakodzera.

Mukuru weHelpAge Zimbabwe ari zvakare sachigaro weOlder Persons Board, Mai Priscilla Gavi, vanotaura pamusoro pekuomerwa neupenyu kwevakwegura munguva ino yeCovid-19.

“Pose panooma zvinhu nezvikonzero zvakasiyana – kunyanya nekuda kwezvirwere zvakaita seCovid-19 – upenyu hwevanhu vakwegura hunoiswa parumananzombe nekuti vagara vasina anovacherechedza zvakanaka mumhuri dzavabereka. Saka ikurudziro yedu panguva ino kuti vana nevazukuru vachengete vanhu vakura ava zvizere,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoti kubva kare, vakwegura vanogumisira vava kusara voga pamisha vana nevazukuru vaenda kumaguta kunotsvaga mabasa nekurarama kwakasiyana vachivasiya vachitambura.

“Kana munhu achembera, anosangana nematambudziko anosanganisira kutadza kufamba, kukundikana kuzvibatsira, vanotadza kuenda kutsime kana kunotsvaga huni uye havagone kuzvibikira. Saka panguva ino yechirwere ichi, nyaya dzeutsanana dzinobva dzaenda kure kuvanhu vakwegura ava – kunyanya kana vachigara voga.”

Mai Gavi vanoti ongororo yakaitwa nemasangano avo munyika yose inoratidza kuti chikamu chevakwegura vari munyika muno avo vanodarika 760 000, chikamu chinoita makumi matanhatu kubva muzana vanogara voga vasina rubatsiro rwunovakwanira kubva kumhuri dzavo, kusanganisira vana vavakabereka.

“Chirwere chatakatarisana nacho ichi chinoda utsanana hwakazara, asi zvakadaro vakwegura vedu havagone kuzvichengerera mvura nekuda kwezvikonzero zvinosanganisa kusakwanisa kufamba kusvika kumatsime nezvibhorani. Havagonewo kutakura zvirongo zvekutakurisa mvura kana dai iri pedyo navo, uyewo kuzvimbuzi havachaenda voga. Zvinoreva kuti havakwanise kuzvishambidza zvekugara vakachena sezvinokurudzirwa kuti vanhu vasabate Covid-19,” vanodaro Mai Gavi.

Vanoti zvinhu zvinokurudzirwa nenyanzvi dzezveutano zvakaita sekupfeka mamasiki, kuzora masanitiser, nekugeza maoko nesipo nemvura inochururuka zvinoomera vakwegura zvichibva zvavaita kuti vave panjodzi yekutapurirwa coronavirus iyo inokonzera chirwere cheCovid-19.

“Pane nyaya dzinogara dzichifungwa nevanhu dzekuti munhu wose akura anonzi muroyi izvo zvinoguma zvaita kuti vana nemhuri nevamwewo vatize vakwegura ava vachivapumha huroyi vorega kuvabatsira pane zvavanoda. Asi chokwadi ndechekuti kuchembera handi kuroya asi kuti kuchengetwa naMwari. Hapana munhu asingashuwire kurarama upenyu hwakareba.”

Mai Gavi vanoti vakwegura ava vanoguma vava kushaya zvekudya nezvimwe zvakakosha nekuda kwekusarurwa uku.

Vanoti nyaya dzekurwisa Covid-19 dzinonetsa kuvanhu vakwegura nekuti havana vanogara vachivapepa sezvo vakawanda vavo vachigara voga.

“Semuenzaniso, kwangu kwandinobva kiriniki inowanikwa makiromita gumi kubva pamusha pedu. Sekuru kana mbuya variko havakwanise kufamba kunosvika kukiriniki iyi kunze bedzi kwekunge vatakurwa nechikochikari kana motokari izvo zvavasingagone kuwana,” vanodaro Mai Gavi.

Vanokurudzira vanhu kuchengeta vabereki vavo kunyange vakwegura zvakadii.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey