Matambudziko evechidiki vanorarama neHIV

19 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Matambudziko evechidiki vanorarama neHIV

Kwayedza

CHIPO (20) musikana wechidiki ari kurarama neutachiona hweHIV uye anoti akahutapurirwa achiri mudumbu maamai vake.

Ari kutarisira kuzovawo neimba yake mune ramangwana asi zviroto zvake zviri kudzorerwa shure nekuda kwezvibingaidzo gumi nefararira.

Neshungu dzekurwisa nyaya dzerusarura kuvana vanorarama neutachiona hweHIV kana chirwere cheAids, Chipo neshamwari yake Ruth, iyo yave nemakore 26 ekuberekwa uye achiraramawo neutachiona uhu, vakashanyira mahofisi eKwayedza nguva pfupi yadaraika ndokutaura zviri pasi pemoyo yavo.

“Isu hatisati tambopinda pabonde nevarume. Ndiko kusaka tichiti tichiri mhandara zvisinei nekuti tiri kurarama neutachiona hweHIV. Zvinhu zvinorwadza zvikuru sevasikana vachiri kuyaruka nekuti panguva dzose dzatioedza kupinda murudo nevakomana, tinovataurira mamiriro atakaita asi dambudziko rinozouya nderekuti tinopedzisira tarambwa pasina nguva zvisinei nekuti vakomana vacho vanombonyepedzera kuita sekunge vanonzwisisa dambudziko redu,” anodaro Chipo.

“Ndakakura ndichingorwara-rwara uye ndaichengetwa naamainini. Saka pandakasvitsa makore 15 okuberekwa, vakaenda neni kuchipatara. Varapi vakakumbira kuti ndimbovhenekwa ropa rangu kuti paonekwe kuti ndakange ndisina utachiona hweHIV here. Ongororo yakabuda ichiratidza kuti ndakange ndiine utachiona, varapi vachibva vataurira amainini vangu asi ini havana kundiudza zvisinei kuti tose takapangwa mazano,” akadaro Chipo.

Anoti amainini vake vakazomuudza kuti akange aine utachiona uhwu vatove kumba zvinova zvakamushungurudza zvikuru.

“Pavakandiudza kuti ndine utachiona hweHIV, ndakatya zvikuru nekuti ndakabva ndaziva kuti hondo huru yekugara ndichinwa mapiritsi yakange yatotanga.

“Ndakatangisa kuzvisarudza pachangu. Ndakambomira kuenda kuchikoro ndichisarudza kugara ndakazvivharira mumba. Handaida kutamba nevamwe vana nekuti zvakandidya moyo kuti ndingabatwa neHIV ini ndisingazive murume,” akadaro. Anoti ari kunwa mapiritsi erudzi rweTenolam N.

“Ndiri nhengo yeAfricaid-Zvandiri, rinova sangano rinoshanda nevechidiki vari kurarana neutachiona hweHIV,” akadaro.

Ruth anoti anonwawo mapiritsi aya uye ane shungu dzekuti akwanise kurarama kwenguva refu pamwe nekuzopinda musvitsa tsvene.

“Iniwo ndakakura ndichingorwara apo neapo, ndakangoondoroka zvinova zvakaita kuti ndinonoke kufamba nekuenda kuchikoro. Ndinovimba kuti utachiona uhu ndakahutapurirwa naamai vangu pakuzvarwa nekuti ndichiri mhandara nanhasi uye amai vangu vari kurarama neutachiona hweHIV,” akadaro. Anoti makore aakaberekwa kwakange kusati kwave nechirongwa chekudzivirira kutapurirwa kweutachiona hweHIV kubva kuvabereki huchienda kumwana, chePrevention of Parent to Child Transmission of HIV (PMTCT).

Anoti matambudziko avari kusangano nawo semhandara uye vechidiki vari kurarama neutachiona kweHIV anosanganisira kusemwa, kutukwa, rusarura, kushaiswa ruzivo pamwe nekusanzwisiswa nevarairidzi pamazuva avanorovha kuchikoro vachienda kunotora mishonga nezvimwe.

“Kana kuri kuchikoro isu sevana vanorarama neutachiona hweHIV tinogona kusabuda zvakanaka nekuti tine nguva shoma tiri muchikoro. Nguva zhinji tinorovha kuchikoro nekuda kwekurwara kana kuti tichinge taenda kunotora mishonga.

“Saka zvinoita kuti tipedzisire tave kungoudza munhu wese mamiriro enenge akaita zvinhu, kusanganisira varairidzi vedu zvisinei nekuti tinenge tisina kugadzirira kuvabudira pachena,” akadaro Ruth.

Ruth naChipo, senhengo dzesangano reAfricaid-Zvandiri, vakadzidziswa kuti vange vachibatsira vamwe vana vanorarana neutachiona hweHIV munharaunda.

“Tine ruzivo rwakawanda maererano neHIV urwo takawaniswa nesangano reAfricaid-Zvandiri. Tinobatsira mukupanga mazano vana vanenge vaonekwa vaine utachiona hweHIV, kushanyira vana vari kurwara mudzimba vane utachiona uhu, kutaura nevabereki kuti vabude pachena uye tinoita mitambo yekufundisa veruzhinji nezveHIV,” akadaro Ruth.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey