Maticha opinda mabasa

31 May, 2019 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Tanyaradzwa Rusike
VARAIRIDZI vepuraimari nesekondari vanosvika 1 350 vakapinzwa mabasa kubvira patanga temu yechipiri ino apo Hurumende iri kuedza kuwedzera huwandu hwematicha muzvikoro senzira yekuti vana vawane dzidzo yemhando yepamusoro.

Matanho aya akananga kusimbaradza chirongwa chegwaro idzva redzidzo, cheNew Curriculum.

Ichi chikamu chechipiri chekupinzwa kwevarairidzi mabasa pasi pehurongwa huripo hwekuwedzera vadzidzisi 3 000 muchikamu chedzidzo panguva iyo muzvimwe zvikoro ticha mumwe chete anonzi ari kudzidzisa vana vanosvika 120 mukirasi.

Hurumende yakatanga kupinza varairidzi mabasa mushure mekunge yambomira muna2014 nechinangwa chekuderedza huwandu hwehomwe yemari inopihwa vashandi vayo, pakati pezvimwe zvikonzero.

Kuwaniswa kwemabasa kuvarairidzi uku kuri kuuya panguva iyo vamwe vana vechikoro vanonzi vari kufunda vakawandisa zvekusvika 165 kana kudarika mukirasi imwe chete.

Munyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Tumisang Thabela, vanoti kusvika pari zvino, vadzidzisi vapinzwa basa vanodarika 2 600.

“Bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari riri kushanda pamwe nePublic Service Commission uye svondo radarika takapinza varairidzi mabasa muchikamu chepiri. Pari zvino tava nevarairidzi 2 657 vapinzwa mabasa kureva kuti tine 343 vasara kubva pa3 000 vatinofanira kunge tiinavo kuti tizadzikise zvinodiwa nevabati vehomwe. Vamwe vasara vachapihwa mabasa munguva pfupi inotevera,” vanodaro.

Vanoti varairidzi vashoma zvikuru muZimbabwe, nokudaro kuwaniswa kwavo mabasa kuchabatsira mukuderedza mutoro wematicha vari kufundisa vana vakawanda kudarika huwandu hunodiwa.

Dr Thabela vanoti danho iri richabatsira zvakare mukufambiswa kwechirongwa cheNew Curriculum icho chakatanga muna2016.

Mukuru wesangano rinomiririra varairidzi, reZimbabwe Teachers Association, VaRichard Gundani – avo vanova zvakare mukuru-mukuru weApex Council – vanotambira nemawoko maviri chirongwa chekupinzwa mabasa kwevarairidzi.

“Zvinhu zvinokudzwa nekuti vana vechikoro vanga vachishaya dzidzo yakakwana zvichitevera kuwandisa kwevadzidzi mukirasi, nokudaro hudzamhu hwedzidzo hwange hwoderera. Vainyanya kushungurudzwa varairidzi vekumaruwa uye mari dzavanotambira ishoma.

“Varairidzi vazhinji vari kutiza zvikoro zvekumaruwa vachienda kumaguta zvichiita kuti vana vekumaguta vawane dzidzo yemhando yepamusoro kana zvichienzaniswa nevekumaruwa,” vanodaro.

VaGundani vanoti munyika muchiri kuda vamwe varariridzi 10 000.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey