Mayweather, McGregor votatsurana

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Mayweather, McGregor votatsurana

Kwayedza

EDDIE Hearn anoti mutambo waFloyd Mayweather naConor McGregor shasha yeUFC hauenderane. Mayweather – uyo asina kumbobvira ambokundwa mutsiva – anonzi ari muhurukuro yekuti adzoke kuzorwa naMcGregor gore rino.

Mutsiva, Mayweather akarwa ka49 akahwina mitambo yake yose kozoti McGregor – uyo anokwikwidza muMMA – akwanisa kutamba mitambo 24 akahwina 21 ndokukundwa mitatu.

Hearn, uyo anove puromota wetsiva achishanda nevatambi vanoti Anthony Joshua, Kell Brook naTony Bellew, anoti ane vatambi vechidiki vanokwikwidza kuYork Hall vaanofunga kuti vanogona kukunda McGregor. Anoti zvakare anoyemura McGregor mashandiro aanoita mabhizimisi ake uye akawana mukana wekumurongera mutambo anoenda achimhanya.

Achitaura neThe Guardian, Hearn akati, “Handina hangu basa neMMA asi ndange ndichiyemura mashandiro aConor McGregor basa rake.

“McGregor mumwe wevatambi vepamusoro muMMA asi ndine vatambi vari kusimukira mutsiva kuYork Hall vanomudashura mumutambo wetsiva.” – SportsMail Boxing

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey