Mayweather ouya muZimbabwe

10 Jul, 2023 - 11:07 0 Views
Mayweather ouya muZimbabwe Scott Sakupwanya (kuruboshwe) aina Floyd "Money" Mayweather

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva ine mukurumbira pasi rose – Floyd “Money” Mayweather – ari kutarisirwa kuuya muZimbabwe svondo rino.

Mayweather, uyo ane mukurumbira wekusambokundwa mutsiva izvo zvakamuona achitamba mitambo 50 asina kumbokundwa kusvika asendeka magirovhosi ake emutambo uyu, anobuda pane imwe vhidhiyo iri kutenderera achiti ari kushanyira Zimbabwe svondo rino kwemazuva maviri anoti 13 na14 Chikunguru.

Kushanya kwake muZimbabwe kuri pakati pechirongwa chaari kuita cheThe Motherland Tour icho chiri kumuona achishanyira nyika dzemuAfrica.

Mayweather anoti, “Africa gadzirira, murume wemari ari kuuya kuAfrica pachirongwa cheThe Motherland Tour.

“Tiri kutangira muZimbabwe musi wa13 na14 Chikunguru tozoti 15 na16 tinenge tiri kuJohannesburg, South Africa.”

Rwendo rwaMayweather kuuya muZimbabwe rwuri kurongwa naScott Sakupwanya, uye kuuya kwake kuchabatsira zvikuru mukusimudzira mutambo wetsiva munyika muno.

Mayweather izita guru munyaya dzetsiva pasi rose izvo zvakamuona achitamba mitambo 50 yeprofessional asina kumbokundwa.

Kubva zvaakasendeka magirovhosi ake etsiva, shasha iyi yatamba mitambo ine chitsama yehushamwari izvo zvamuona achirwa nedzimwe shasha dzine mukurumbira mune mamwe mabasa kusanganisira Conor McGregor, shasha yeUFC nevamwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey