Uncategorized

Mbavha dzakarima nechisi

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

MBAVHA mbiri dzekuChitungwiza dzekubatwa nemhosva yekurura nekubira vanhu midziyo yavo yakaita semawindow frame nemadoor frame padzimba dzinenge dzichivakwa dzakatongerwa kunodya refovhoro kwemwedzi 18 pamumwe nemumwe wavo.
Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Wilson Matsika, akati Moses Chipwanya (28) naStephen Doubt (23) vakapara mhosva nhatu dzekubira vanhu pamisha yavanenge vachivaka.

Varume ava vaitevedza dzimba dzinenge dzichivakwa usiku voba mafafitera, mawindow frame nemadoor frame apo vaizotakura nengoro vonozvitengesa kuDema.

Vakazobira Luckson Masaka (39) wekwaChangwati, kumaruwa eSeke, uyo akamhan’ara nyaya iyi mbavha idzi ndokusungwa. Chipwanya naDoubt vakazotungamira mapurisa kunzvimbo dzavainge vakaba vachizonotora mimwe midziyo yavainge vakaviga. Vaviri ava vakabvuma mhosva yavo pamberi pedare apo Chipwanya akapupura maitiro avo ose pavaiba.

“Tainge tisina cheuviri ishe wangu. Uyuwo sahwira wangu (Doubt) aida mari yokuenda kunyaradzo yehama yake ndokuzonakirwa nehumbavha hwedu kusvika tave kungoba tose.

“Tine mumwewo wedu aiziva kabasa kedu aka kokuba nokuti aitipa ngoro yake toshandisa kunotakura zvataba iye tomupawo mbichana kunyange ari kutsika-tsika hake kuti haana ruwoko panyaya iyi.

“Tainyanyoba padzimba dziri kuvakwa dzisati dzapera todzura mafafitera, window frame nemadoor frame.
“Taiviga zvinhu izvi kudhuze nekuchechi ya(Prophet Emmanuel) Makandiwa tozotengesa kuDema todya hedu mari. Vakadzi vedu vaingoti tiri kuhuchocha kubhawa isu tichivatsvagira cheuviri nenzira isiyo. Ndinokumbira ruregerero, tipeiwo mutongo uri nani. Vana nevakadzi havasisina vachengeti, nhamo ndiyo yatisvitsa pakadai,” akadaro Chipwanya.

Mutongi Masaiwona Shortgame akati nhamo haisiriyo inopa munhu simba rokuba uye jeri harizi revarume vasina vakadzi nevana asi kuti ndere munhu wese anobatwa nemhosva.

Mutongi akati kubira munhu pachivakwa chake kumurozva ramangwana rake nemhuri yake nokudaro vaviri ava vakanzi vadye refovhoro kwemwedzi 18 pamumwe nemumwe wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey