Mharidzo, Moyo vakarikitwa

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

VATAMBI vetsiva vanoti Tineyi ‘Wastak’ Mharidzo naLawrence Moyo vakakundwa svondo radarika kuNamibia uko vakarwa neshasha dzekunyika iyi mumapoka akasiyana.
Mharidzo akarwa naWilberforce ‘Black Mamba’ Chiepo muboka relight-heavyweight akakundirwa pazvibodzwa mumutambo waipfuta zvibhakera zvinotyisa.

Moyo akatatsurana naSaki Chikukuta muwelter-weight akarohwa zvekuona chadzimira muround rechitatu mutambo uyu ndokubva wapera.

Maneja wevatambi vaviri ava, Clyde Musonda, anoti vakakundwa nekuda kwekushaya nguva refu yekugadzirira mitambo yavo.

Musonda anoti zvakare kushaya vakotsveri vanoda kusimudzira mutambo uyu muno kuri kukonzera kudzikira kwevatambi.

Parizvino, sekutaura kwaMusonda, vatambi vaviri ava vave kugara kuSouth Africa uko kwavari kutirena kuti zvigovabatsira mumitambo yavo inotevera.

“Vatambi vedu muno vari kushaya nguva pamwe nemukana wekugadzirira mitambo yavo izvo zviri kuzovakundisa apo vanoenda kunorwa kunze kwenyika.

“Tichitarisa hedu vatambi ava, vane tarenda guru asi kushaya vakotsveri pamwe nenguva yekugadzirira yakareba ndiko kuri kuvatadzisa kuhwina mitambo yavo.

“Mharidzo akarwa zvinonwisa mvura hake kunyangwe akazokundirwa pazvibodzwa. Iye Black Mamba wekuNamibia waakarwa naye anozviziva kuti chainge chakachaya.

“Pana Moyo hapana chekutaura, akarohwa zvake, asi tinoona kunge nhau yatataura yekutadza kugadzirira nguva iripo ndiyo yakamukundisa.

“Izvezvi parizvino, vatambi ava vave kugara kuSouth Africa uko kwavanenge vachiita gadziriro dzavo pamwe nekubikwa tarenda ravo. Kutotiza kubva muno nekuda kwekushaya kwekutirenera pamwe nevakotsveri vanobatsira kuti vafambise mutambo wavo uyu,” akadaro Musonda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey