Uncategorized

Mhirizhonga: Kutongerwa rufu kwevanhukadzi vemuAfrica

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Danai Chirawu
KUBATWA chibharo nekuurayiwa kwemumwe munhukadzi wekunyika yeSouth Africa, Uyinene Mrwetyana (19) wepaUniversity of Capetown nemurume wekunyika iyi Luyanda Botha (42) kwakatyamadza madzimai mazhinji muAfrica nepasi rose.

Asati asangana netsaona yekumanikidzwa pabonde nekuurayiwa iyi, Uyinene akanga ashanyira posvo yeClaireinch muCapetown achibvunza nezvepasuru yake.

Pakubvunza apa, akabatsirwa nemushandi weposvo iyi, Luyanda Botha.

Botha akamuudza kuti kwakanga kusina magetsi naizvozvo michina yemakadhi yakanga isingashandi sezvo kunyika yeSouth Africa kuri kuenda magetsi zvakanyanya.

Botha akaudza Mrwetyana kuti aifanira kuzodzoka neimwe nguva musi uyu uye paakadzoka akaona Botha ari ega muhofisi make.

Botha anonzi akakiya dhoo rehofisi yake akarova Mrwetyana, ndokumanikidza kuenda pabonde uyo anonzi aidzorerawo mukurwisana kwavaiita.

Paakanzwa munhukadzi uyu ava kuchema zvekushevedzera, Botha anonzi akatora chikero chaiva muposvo umu ndokumurovesa nacho kusvika afa. Botha anonzi akabva atora mutumbi wemunhukadzi uyu ndokuurasa kuLingelethu West.

Ropa rakazowanikwa muposvo umu uye pashangu yake paakasungwa. Anonzi akaputira mutumbi waMrwetyana ndokuupisa ndokuucherera mugomba.

Botha akabvuma mhosva yake yekuuraya iyi uye akatungamiririra mapurisa ndokuvaratidza paakanga aviga mutumbi waMrwetyana. Kurwiswa kwevanhukadzi inyaya inobata pasi rose uye zviri kunyanya kuitika kunzvimbo dzakawanda pasi rose, kusanganisira muZimbabwe.

Chinyorwa kubva kuUNFPA chinoti, “Ruzivo kubva kuZimbabwe Demographic and Health Survey (ZDHS) (2015) runoratidza mhirizhonga kuvanhukadzi ine huwandu hwezvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana (35 percent), pazvikamu izvi gumi neina kubva muzana (14 percent vanhukadzi vane makore gumi nemashanu kusvika pamakumi mana nemapfumbamwe okuberekwa (15 –  49).

Pakati pevakaroorwa, zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana (45 percent vakamhan’ara kushungurudzwa pabonde, panyama uye mupfungwa nevadikani vavo.”

Munyika yakaita seZimbabwe mune mitemo yakadai  seBill of Rights mubumbiro remutemo, Criminal Code, Domestic Violence Act, Trafficking In Persons Act, Administration of Estates Act nemimwe mitemo yakanangana nekuchengetedza madzimai kubva kumhirizhonga zvinoratidza kuti pachine kukakavadzana maerano nemaonero anoita veruzhinji nyaya dzekumbunyikidzwa kwemadzimai kupfurikidza nemhirizhonga.

Nyaya yaBotha ndeimwe yedziri kuitika muAfrica dzevanhukadzi vari kurasikirwa nehupenyu hwavo mumaoko evanhurume. Mhirizhonga kuvanhukadzi ine midzi yayo kumagariro anoita vanhu munharaunda dzakasiyana-siyana uko kusina kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi uye kuitirwa hutsinye kwevanhukadzi, mhirizhonga kuvanhukadzi uye kusakosheswa kwekodzero dzavo.

Munyaya dzakawanda dzine chekuita nekubhinywa kwevanhukadzi, senyaya yaBotha, vanhurume vanoita zvekumbunyikidza madzimai.

Senyaya yaBotha zvakazoonekwa mukuferefetwa kwayo kuti akanga aine dzimwe mhosva dzekuba nezvombo uye kumanikidza madzimai pabonde munharaunda yaaigara.

Vanhukadzi vazhinji muZimbabwe vanozivikanwa kuti vakatsvagira vadikani vavo vavanogara navo kana vavakambogara navo magwaro edziviriro, zvinoratidza kuti panenge pakamhan’arwa nyaya dzemhirizhonga yemumba kumapurisa nekumatare kuti vazopihwa magwaro aya.

Dzimwe nguva varume ava vanenge vaine nyaya dzakawanda dzinenge dzakamhan’arwa dzavakaita dzine chekuita nemhirizhonga mudzimba dzavo kana kurwisana nemadzimai avo kana kumanikidza madzimai pabonde.

Nyaya dzakaita seidzi ndeyaRobert Tevedzayi uyo aitongwa nekuponda mudzimai wake achishandisa badza, demo nesimbi.

Zvinoratidza kuti nyakufa akanga ambomhan’ara nyaya yake kumapurisa ikaraswa akanzi vagadzirise nyaya yavo murunyararo semhuri.

Uyu mucherechedzo wekuti vamwe vanhurume vanoramba vachipara mhosva dzine chekuita nemhirizhonga mudzimba dzinozosvitsa pakufa kwevanhukadzi nekuti nyaya idzi dzinenge dzisina kutorwa uye kutongwa nemazvo.

Mune imwe nyaya yekuuraiwa kwaLucy Dube naTashinga Musonza, zvakaonekwa zvakare kuti Musonza akanga aine dzimwe mhosva dzaakapara kumashure dzaisanganisira dzemhirizhonga.

Kunyangwe zvavo mutemo uripo, panodawo rutsigiro kubva kunharaunda dzakasiyana nedzimwe dzenzira dzinotevera:

  1. Panofanira kuitwa kurudziro, kwete yekuti vanhukadzi vamhan’are nyaya chete asi kuti vanofanira kunzwisiswa pavanomhan’ara nyaya dzavo kuti hupenyu hwavo huri panjodzi.
  2. Nyaya dzekumbunyikidzwa kwemadzimai dziri kunyanya kukoshesa huwandu hwevakambunyikidzwa pabonde kana kubhinywa. Nyaya idzi dzinofanira kupfuura apa pakutarisa madzimai vari kumbunyikidzwa nekuongororawo zvakare vanhurume vari kuita mabasa ekumanikidza vanhukadzi pabonde
  3. Varume vanofanira kuvawo munyaya dzekuderedza kuparwa kwemhosva dzine chekuita nekumbunyikidzwa kwemadzimai pabonde nemhirizhonga yemudzimba
  4. Vechidiki vanofanira kupinda muzvirongwa zvinopa dzidziso nematanho anoda kutorwa mukuderedzwa kwekumbunykidzwa kwemadzimai panyaya dzebonde pamwechete nemhirizhonga mudzimba.
  5. Vakambopara mhosva idzi vanoda kudzidziswa zvakasimba kuti vasarambe vachipara mhosva dzine chekuita nekumanikdza madzimai pabonde uye mhirizhonga yemudzimba.

. Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 ne0776736873 kana dzetoll-free 08080131.

 

(Chinyorwa chino chakabuda zvakare svondo radarika)

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey