Mhondi dzevana vaviri dzatongerwa kufira mujeri

01 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
Mhondi dzevana vaviri dzatongerwa kufira mujeri Dare

Kwayedza

Cletus Mushanawani

DARE guru reHigh Court kwaMutare rapa mutongo wekugara mujeri kweupenyu hwose kumhondi mbiri dzakauraya vana vaviri vemhuri yekwaBenza, kwaMutasa, nenzira ine hutsinye hwakakomba muna2021.

Justice Isaac Muzenda vakapa mutongo uyu neChitatu chino.

Vazukuru vekwaBenza – Melisa naDylan (vose vaiva nemakore manomwe okuberekwa) – vemubhuku raKanganya, kwaMutasa, vakapondwa musi wa13 Kubvumbi 2021 vachibva kuMbaza Primary School, chinhambwe chemakiromita mana kubva pamba pavo.

Vakaradzikwa kwapera mazuva gumi nerimwe mushure mekupondwa naSolomon Manyama (sekuru vaDylan) naPassmore Sambaza.

Manyama naSambaza, mumwe nemumwe wavo aive akatarisana nemhosva mbiri dzekuponda uye vakapihwa mutongo wekugara mujeri kweupenyu hwavo hwose pamhosva imwe neimwe.

Manyama naSambaza vakacheka huro dzevana ava ndokutora ropa ravo vasati vaviga mitumbi yavo muchimbuzi chepane mumwe musha wava dongo.

Pavakamira pamberi paJustice Muzenda svondo rapfuura, varume vaviri ava vakaramba mhosva yavo.

Zvisinei, svondo rino vakabatwa nemhosva yekuponda nekuda kwehumbowo hwakawandisa hwaivaroverera.

Muchuchisi Mai Jane-Rose Matsikidze vakakwanisa kupa humbowo hwakasimba hunoratidza kuti vaviri ava vakapara mhosva iyi.

Zvapupu zvakapa humbowo mudare zvakarovererawo Manyama naSambaza pamhosva yavaipomerwa iyi.

Mai Matsikidze vakaudza dare kuti nemusi wa13 Kubvumbi 2021, Melisa naDylan vaibva kuchikoro vachienda kumba apo vakasangana naManyama uyo akavati vafambe naye sezvo vaigara mumusha mumwe chete.

Vana vaviri ava havana kuzombosvika kumba.

“Varume vari kupomerwa mhosva vakabatsirana ndokuuraya vana vaviri ava pamusha usisagare vanhu ndokuviga mitumbi muchimbuzi cheblair chisisashandiswe. Imba iri padyo nemusha waSambaza. Vakaedza kuvhara ropa raive pahuswa vachishandisa badza raSambaza.

“Kuma4 masikati zuva rimwe chetero, Melissa naDylan vakanzi vashaikwa ndokubva vatanga kutsvagwa. Manyama akaudza chikwata chevanhu chaitsvaga vana ava kuti akanga aparadzana navo pedyo nekumba kwavo.

“Kutsvaga kwakaenderera mberi kusvika kwakazomiswa kuma8pm apo Manyama akaridza nhare achitaura kuti akanga asiya vana ava pedyo nerwizi Nyagambu,” vanodaro Mai Matsikidze.

Kutsvagwa kwevana kwakazotangazve zuva raitevera uye kwaisanganisira rubatsiro rwevamwe vana vechikoro cheMbaza Primary nesekondari yacho.

Chinhambwe chinenge kiromita kubva pachikoro, vanhu vaitsvaga vakasangana nesora raive neropa.

Paivewo nehuswa hwakatsikwa-tsikwa kusvika kuchimbuzi chisisashandiswe ichi.

Mitumbi yevana yakazowanikwa mugomba rechimbuzi.

Payakatorwa, yose iri miviri yakanga iine maronda akadzika pamutsipa kudivi rekuruboshwe.

Imwe tsvakurudzo yakazoita kuti pamba paSambaza pawanikwe badza rine ropa uye mbatya dzine ropa.

Ongororo yakaitwa nanachiremba pamitumbi yevana ava inotaridza kuti rufu rwawo rwakakonzerwa nekukuvara kwakanyanya kwemitsipa yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey