Uncategorized

Mhuno yemwana iri kupi?

23 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ignatius Mabasa
KUAMERICA kwakaitika chishamiso. Kune mwana akazvarwa asina mhuno. Zvimwe zvose pamuviri wemwana uyu zvakanga zvakanaka. Amai vemwana uyu vakati, “Ndakati ndasununguka, chiremba achibva aradzika mwana wangu pachipfuva changu.

Ndakafara kwazvo, ndichibva ndatarisa mwana wangu. Ipapo hana yangu yakabva yarova nekuti ndakaona asina mhuno. Aive nemaziso, nzeve nemuromo, asi akanga asina mhuno.”

Amai ava vakabva vaudza chiremba kuti, mwana wavo akanga asina mhuno. Chiremba akashamisika kwazvo, akakumbira ruregerero nekuti akanga asina kuzviona kuti mwana haana mhuno. Akatanga kuda kutsanangura kuti zvinhu zvakadai zvakanga zvisingawanzoitika.

Vakakomborerwa amai vemwana akazvarwa asina mhuno uyu. Dai kuri kuno, dai iko zvino vatenderera musoro netsananguro dzemaporofita nehama. Dai kuri kuno amai ava vaonda kunge mutsvairo nehama dzinenge dzichiti, “Ndiwe wakadya mhuno yemwana nekuti uri muroyi.”

Hurema hwakaomera vanhu vatema vazhinji. Zvakare hurema hunouya nepakawanda muupenyu hwedu. Humwe hurema hunobva pakukanganisika kunongoitika kwega mwana ari mudumbu raamai vake. Humwe hurema hunouya netsaona kana nehurwere hunenge hwabva kuvabereki.

Zvizhinji zvinokonzerwa nekuda kwehurwere mumuviri wemwana. Kune hurwere hunokanganisa mabhonzo, humwe huchikanganisa tsinga, mapapu, moyo nepfungwa chaidzo. Ukazvitarisa, mwana akazvarwa asina mhuno uyu, akazvarwa kuAmerica, inova nyika iri pamberi penyika dzose munyaya dzezveruzivo netekinoloji yezvekurapa.

Chinhu chinorwadza uye chakaoma muupenyu hwedu vanhu kurwarirwa nevana, kana kugara nemwana ari kutambura nehurema. Vazhinji vedu tisina kumbobvira taita dambudziko rehurema mumhuri dzedu tinoona vanhu vane hurema tongoti “zvakaoma.”

Dambudziko rehurema mumhuri rakaoma zvechokwadi. Hurema hunopedza mari uye hunokanganisa pfungwa.

Hurema idambudziko risiri rekuti unofuma mangwana pasisina. Hurema hunonyanya kuoma nekuda kwehama dzedu dzinorwadzisa nemashoko kana paita mwana akaremara.

MuZimbabwe nyaya dzemadzimai akatizwa nevarume nekuda kwekuti vakanga vazvara mwana akaremara hadzipere. Vakadzi vanopomerwa mhosva dzisingapere kana paita hurema mumhuri. Vamwe vanonzi varoyi, vamwe vachinzi vaunza munyama mumhuri yavakaroorwa.

Zvose izvi zvinoitika kumadzimai anenge achitodawo rubatsiro nekusimbiswa, asi isu tobva tanoisa mavhunze emoto pamoyo yavo. Tinokanganwa kuti hakuna munhu anoda zvakaipa.

Naivowo vanenge vachiti, dai ndazvarawo mwana wangu, ndigomutumidza zita nekufamba naye ndichimutuma.

Tine nhamo zhinji muupenyu hwedu, asi nhamo yehurema mumhuri inoda kuti vanhu vabatsirane kuti vabatsire mwana akaremara. Ndinorwadziwa nekurambana kunouya nekuda kwekuti pazvarwa mwana akaremara. Vazhinji vakati vachata, muchato ukazodzima nekuda kwekuti mwana akanga azvarwa riri bofu, ari matsi, ari musope, asina makumbo nemawoko.

Pasina kana yambiro, baba namai vakabva vatanga kuvengana, kusataurirana zvakanaka, kurevana nekupomerana.

Asika, nyangwe Bhaibheri rine vanhu vakanga vakaremara, vanhu vaitambudzika, vanhu vaida kubatsirwa nevamwe vanhu kuti vagone kurarama nekurerukirwa neupenyu.

Moses aikakamira. Namani aive nemaperembudzi. Bhatimiyo aive bofu. Kwaive nemurume akanga akaremara aitakurwa achiiswa pamusiwo wetemberi kuti apemhe. Kune mumwe murume akanga akaputana mitezo akanga ave nemakore 38 ari paBhetisaidha.

Unogona kunge une mwana kana hama yakaremara. Ziva kuti Mwari vanoziva kudarika kuziva kwedu kana kufunga kwedu. Mushure mekunge vadzidzi vake vabvunza kuti mhosva yemukomana akazvarwa riri bofu yaive yaani, Jesu akati, “Izvi zvakaitwa kuti simba raMwari rionekwe.”

Mwari ndivo vakati kuna Moses, “Ndianiko akaita muromo wemunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana munhu anoona kana bofu? Handisini Jehovha here?”

Mwari anopa vanhu vake vakaremara kuvanhu vake vanoshamisa kuti vamuchengetere. Kana mwana achinge azvarwa akaremara, iwe chirega kushaya moyo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey