Mishonga yeCovax ichanonoka – WHO

27 Mar, 2021 - 00:03 0 Views
Mishonga yeCovax  ichanonoka – WHO Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus

Kwayedza

Tandayi Motsi

SANGANO rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti mishonga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 iri kutarisirwa kupihwa kunyika dzichiri kusimukira serubatsiro pasi pechirongwa cheCOVAX Facility ichibva kuSerum Institute of India (SII) inogona kunonoka kusvika munaKurume naKubvumbi.

Chinyorwa chakaburitswa neWHO nemusi weChina chinoti mishonga iyi ichanonoka kusvika nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kuti India yakatarisana nekunyuka kutsva kweCovid-19 izvo zviri kuita kuti majekiseni aya adiwe zvakanyanya munyika iyoyi.

Dr Tedros Adhanom Ghebreyesus – avo vanova mukuru weWHO – vanogara vachitaura kuti sangano ravo rakazvipira kutsigira nyika dzichiri kusimukira panyaya yekurwisa kupararira kweCovid-19 pasi rose kuburikidza nekudziwanisa mishonga yekudzivirira chirwere ichi.

Vanoti mishonga yekudzivirira Covid-19 haifanirwe kuwanikwa nenyika dzakabudirira chete, asiwo nedzichiri kusimukira.

Zimbabwe iri pakati penyika dziri kutarisirwa kuwana mishonga yekudzivirira Covid-19 pasi pechirongwa cheCOVAX Facility.

“Kunonoka kwemishonga yekudzivirira Covid-19 iri kugadzirwa neSII kuri kukonzerwa nekudiwa zvikuru kuri kuitwa mishonga iyi kuIndia. Hurumende yeIndia iri mushishi yekurwisa kunyuka kutsva kweCovid-19.

“COVAX nehurumende yeIndia vari kuramba vachiita hurukuro kuitira kuti mimwe yemishonga iyi ipedziswa kuendeswa munaKurume naKubvumbi,” inodaro WHO.

Sangano iri rinoenderera mberi richiti, “Nerimwe divi, nyika dziri kubatsirwa pasi pechirongwa cheCOVAX Facility idzo dzakavimbiswa kupihwa mishonga yekudzivirira chirwere ichi inogadzirwa neAstraZeneca dzakatoziviswa kuti mishonga yadzaifanirwa kuwana munaKurume dzave kuzoiwana munaKubvumbi.”

WHO inoti kusvika pari zvino, COVAX yabatsira nyika dzichiri kusimukira nemajekiseni 28 miriyoni emushonga wekudzivirira Covid-19 uye yaitarisira kubatsira zvakare nemamwe majekiseni 40 miriyoni munaKurume ne50 miriyoni munaKubvumbi.

Nyika 64 pasi rose, kusanganisira India, dziri kubatsirwa pasi pechirongwa ichi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey