Mitambo yeligi yotanga

13 Mar, 2015 - 15:03 0 Views
Mitambo yeligi yotanga

Kwayedza

Abel Ndooka
SACHIGARO weligi reWorld Navi Northern Region Division One Soccer, Willard Manyengavana,  anoti mitambo yeligi ravo ichatanga mwedzi unotevera uye pari zvino vari mushishi kuita gadziriro yemitambo iyi.Muhurukuro neKwayedza, Manyengavana, anoti vari kumhanyisana nenguva mukuronga mamiriro anenge akaita mitambo iyi.

Pari zvino zvikwata zvizhinji zviri muligi iri zviri kutamba mitambo yekugadzirira kutanga kwemwaka mutsva.

“Tinoda kuti mitambo yeligi itange musi waKubvumbi 4 saka tinotarisira kuti kupera kwesvondo rino kana kutanga kwesvondo rinotevera mafixtures achange apedza kugadzirwa.

“Tinoziva kuti zvikwata zvese zvinenge zvichida kuziva kuti mitambo yazvo yakamira sei mumwaka mutsva uyu,” akadaro Manyengavana.

Zvakadaro, Manyengavana anoti nhabvu haisi nhandare yetsiva uye hazvifadze kuona mhirizhonga ichipararira mumutambo uyu.

Anoti zvikwata zvemuPremier Soccer League zvinofanirwa kudzidza kubva kune zvemuligi ravo izvo zvinotamba nhabvu murunyararo pasina kudzipana pahuro.

“Kwedu kuDivision One hakuna mhirizhonga, nhabvu inotambwa ndeye mhuri zvekuti unouya nemhuri yako moona nhabvu kana mapedza modzokera henyu kumba.

“Kana chikwata chako chikakundwa ndizvozvo muchahwina mutambo unotevera kwete kudzipana pahuro, bodo kuti takundirwei izvo tinozviramba,” akadaro.

Manyengavana akataura mashoko aya zvichitevera mhirizhonga yakaitika nguva yadarika kuBabourfields kuBulawayo pakati pevatsigiri veCAPS United neHighlanders.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey