Mitambo yePSL yotsvuka ropa

07 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Mitambo yePSL yotsvuka ropa

Kwayedza

VATSIGIRI venhabvu vezvikwata zvinoti FC Platinum, CAPS United neHighlanders vobatira hana mumawoko sezvo zvikwata zvavo zviri kurwira mukombe weCastle Lager Premier Soccer League apo pasara mitambo mishanu chete kuti mwaka wa2016 uchipera.

Parizvino FC Platinum ndiyo iri kutungamira palog nezvibodzwa 51 kubva mumitambo 25 yayatamba uye iri kufemerwa mugotsi neCAPS United iyo ine zvibodzwa 50.

Pechitatu pane Bosso ine zvibodzwa 47. Zvakadaro, pasvika mitambo parizvino zvikwata zvitatu izvi zvinofanirwa kutosunga dzisimbe nekuti chinenge changokundwa chete chiri kubva chatosara murwendo rwekurwira mukombe wePSL.

Harare City vs FC Platinum

 FC Platinum ine gomo guru rwekukwira svondo rino nekuti iri kusangana neHarare City mumutambo wagara unoiremera kwemakore ane chitsama.

Chikwata ichi hachisati chambohwina mukombe wePSL asi gore rino chine mukana mukuru wekuutora, hunge chikakunda mumitambo yacho mikuru yakafanana neweHarare City.

Mutambo uyu uchatambirwa kunhandare yeRufaro Stadium musi weMugovera.

Border Strikers vs CAPS United

Muna 2006, CAPS United ndipo payakapedzisira kuhwina mukombe wePSL asi gore rino kubva Lloyd Chitembwe akagadzwa pachigaro chinopisa kuchikwata ichi mwaka wadarika change chiri kutamba nhabvu inonwisa mvura.

Kune rimwe divi, Border Strikers iri kurwira hupenyu hwayo nekuti ndiyo yakasenga iri pasi pelog. Kuti chikwata ichi chisaburitswe muPSL chinofanirwa kuhwina mitambo yacho mishanu yose yasara kutanga neweKepe-kepe svondo rino.

Chapungu vs Highlanders

Makore adarika, Bosso yanga ichingopotsa nepadiki kuhwina mukombe wePSL.

Kuuya kwakaita murairidzi mutsva kuchikwata ichi, Elroy Akbay, ashandura zvinhu zvekuti fungidziro iripo ndeyekuti FC Platinum neKepe-kepe zvikangobwaira chete mukombe unogona kubvutwa neBosso.

Asi kuti Bosso irakidze kuti inogona kuhwina mukombe uyu inofanirwa kutanga yawundura Chapungu United iyo yaichasangana nayo nemusi weMugovera kunhandare yeAscot Stadium kuGweru.

Kune mimwe mitambo iriko svondo, Dynamos FC ichisangana neHwange kunhandare yeRufaro kozoti ZPC Kariba ichange iri pamusha payo kuNyamhunga uko ichasangana neTriangle United.

Chicken Inn ichatatsurana neBulawayo City kuBabourfields mumutambo weBulawayo Derby.

Dynamos FC, ZPC Kariba neChicken Inn zviri kurwira kuti zvipedze zviri muTop 4 gore rino.

Mitambo:

 Mugovera

            Ngezi Platinum Stars FC Vs Tsholotsho FC, Baobab Stadium 1500hrs; ZPC Kariba FC Vs Triangle United FC, Nyamhunga Stadium 1500hrs; How Mine FC Vs Mutare City Rovers FC, Luveve Stadium 1500hrs; Harare City FC Vs FC Platinum, Rufaro Stadium 1500hrs; Chapungu FC Vs Highlanders FC, Ascot Stadium 1500hrs

Svondo

Bulawayo City FC Vs Chicken Inn FC, Barbourfields Stadium 1500hrs; Dynamos FC Vs Hwange FC, Rufaro Stadium 1500hrs; Border Strikers FC Vs CAPS United FC, Dulibadzimu Stadium 1500hrs

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey