Mitambo yeSupport Unit yotanga

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views

Kwayedza

KUNENGE kusingadanwe anonzwa muHarare svondo rinotevera kutanga nemusi weMuvhuro apo zvikwata zveZimbabwe Republic Police Support Unit zvichange zvichitatsurana mumitambo yeBadgers Inter-districts Sports Gala.

Mitambo iyi ichakwikwidzwa nemadistricts ose eSupport Unit ari mashanu anoti Chikurubi Urban, Fairbridge, Buchwa, Changadzi, Chikurubi Rural pamwe neShamva Professional Athletics Centre.

Zvikwata izvi, zvevarume nevakadzi, zvichange zvichikwikwidza mumitambo inosanganisira kumhanya, nhabvu, netball, table tennis pamwe nevolleyball.

Provincial Spokesperson weZRP Support Unit Inspector Norman Chisare vanoti mitambo iyi yakakosha zvikuru sezvo vachiishandisa kuumba zvikwata zvavo zvinozonokwikwidza kumakwishu eCommissioner General’s Sports Gala.

Gore radarika, ZRP Support Unit ndiyo yakahwina mumutambo uyu saka inotarisirwa kurwira kuchengetedza mukombe uyu.

“Mutambo uyu uchange wakabaka zvikuru nekuti apa tichange tichivaka chikwata chedu icho chatichazotumira kumutambo weCommissioner General’s Sports Gala.

“Tisu tine mukombe uyu saka tiri kuda chaizvo kuuchengetedza gore rino,” vakadaro Insp Chisare.

Vanoti pari zvino vari muhurukuro nemasangano akasiyana akaita seBusiness Optimization Systems (Boas), Gtel pamwe neKatundu ayo ari kutaridza chido chekuda kukotsvera mitambo yavo iyi.

“Tiri pakati pekukurukura nemasangano akasiyana ayo atinoda kushanda nawo pamitambo iyi. Vakativimbisa mibairo yakasiyana yekuhwinisa pamitambo iyi uye tinovimba kuti tichawirirana navo nekuchimbidza,” vakadaro Insp Chisare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey