Mota yaPasuwa iripi?

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Mota yaPasuwa iripi?

Kwayedza

Abel Ndooka —
SANGANO rinotungamirira nhabvu reZimbabwe Football Association roita fungira mumwoyo rwendo rwembwa panyaya yemotokari yarakatorera aimbove murairidzi wechikwata chenyika chemaWarriors – Kalisto Pasuwa.

Svondo rapera, Norman Mapeza ndiye akagadzwa kuti anofanobata chigaro chemurairidzi wemaWarriors ichi asi Zifa haasi kubuda pachena kuti ichamupa here motokari iyi kuti afanoishandisa.

Pasuwa ainge atengerwa motokari iyi namuzvinhabhizimisi – Wicknell Chivayo – kuti ashandise.

Zvisinei nekuti Chivayo akange akabuda pachena achiti motokari iyi yainge iri yaPasuwa kwete yeZifa, Zifa yakaenderera mberi ndokumutorera paakamiswa basa.

Svondo rino Kwayedza yakaita hurukuro nemukushi wemashoko kuZifa – Xolisani Gwesela – uyo ari kutsenga-tsenga mukanwa nemamiriro akaita nyaya yemotokari iyi.

Anoti haakwanise kutaura zvakawanda pamusoro pemotokari iyi.

Gwesela anotsinhira kuti Mapeza ndiye acharairidza maWarriors kwenguva inotevera kusvikira pazoitwa humwe hurongwa nesangano ravo kana kuti patsvagwa mumwe murairidzi.

“Nyaya yemota kaa iyi handikwanise kutaura nezvazvo.

“Handina chandinotaura pamusoro penyaya iyi. Zivai kuti Mapeza ndiye ari panyanga kana paine humwe hurongwa tichakuzivisai mukufamba kwenguva,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Zvemota izvo siyanai nazvo. Hapana nyaya apa, tsvagai dzimwe nyaya dai muri kubvunza kuti toita sei mukusimudzira nhabvu yemuno kwete izvo. Ini handikwanise kutaura nezvazvo uye hapana achataura nezvazvo kwedu kuZifa,” anodaro Gwesela.

Zvakadai, nerimwe divi, Mapeza haasi kunyatsobuda pachena kuti basa iri anorida zvachose here kana kuti kwete sezvo anoti ramangwana rake richarongwa nechikwata chake FC Platinum.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey