Mudzimai aba zvipfeko zvemukati 20

29 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Mudzimai aba zvipfeko zvemukati 20 Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIREVO chinoti nyadzi dzinokunda rufu chinozadzikiswa nenyaya yemudzimai wekuChitungwiza uyo anonzi akabira murume waanoroja naye pamba pamwe chete zvipfeko zvemukati 20 zvakambopfekwa, matirauzi, shangu, mashati, pasipoti nezvimwe.

Blandina Chimunya (30) wepanhamba 19552 Unit E amiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts , Rumbidzai Kabasa, nemhosva yehumbavha.

Ari kurambisisa mhosva iyi uye nyaya yake ichaenderera mberi nekutongwa nemusi wa6 Gunyana.

Muchuchisi VaMalven Mwendera vaudza dare kuti munaChikunguru gore rino, Chimunya akaba nhumbi dzaNever S Chigada dzinosanganisira zvipfeko zvemukati 20 nedzimwe dzinokosha US$120 asi pakangowanikwa peya imwe chete yeshangu inokosha US$10.

Vanoti nemusi wa4 Nyamavhuvhu, mwanasikana wemumhan’ari – uyo asati abva zera – akaudza baba vake kuti ainge aona nhumbi dzavo mumba maChimunya.

Chigada akabva aenda nemudzimai wake, Miriam Vhumbunu nemwana wake kumba kwemusungwa vakanomubvunza nezvenhumbi idzi asi akarambisisa.

Amai vemwana uyu vanonzi vakazomuti apinde mumba atore nhumbi dzaainge aona achibva abuda neshangu (turkies) dzine mavara matema nemachena.

“Mhosva yandiri kupomerwa ndinoiramba, ndakatoshamisika kuona mwana wavo achibuda mumba mangu akabata shangu dzababa vake,” anodaro Chimunya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey