Uncategorized

Mudzimai hutu nemupurisa

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Mudzimai hutu nemupurisa INNOCENT Munemo naAlice Chembe apo vakange vachiri kudanana

Kwayedza

INNOCENT Munemo naAlice Chembe apo vakange vachiri kudanana

INNOCENT Munemo naAlice Chembe apo vakange vachiri kudanana

naKingstone Mapupu
MURUME anoshanda sakondakita wemabhazi akasara ari pamhene zvichitevera kuhwapurirwa kwaakaitwa mukadzi wake nechikomba.
Innocent Munemo (31), uyo anova kondakita kumabhazi ekwaNyamadzawo, anoti akasangana nemashura aya nguva pfupi yadarika apo akawanikidza mudzimai wake nechikomba mumba yavairoja mumusha weBudiriro, muHarare.

Munemo anoti akatorerwa mudzimai wake, Alice Chembe (26), uyo waanga agara naye kwemakore mashanu.

“Anotizve mukadzi wake akamusiya mushure mekunge amubatikidza aine chikomba icho akazotiza nacho ndokunogara vose kunzvimbo isati yave kuzivikanwa.

“Nemukadzi wangu taigara tese zvakanaka, asi nekufamba kwenguva zvakazongochinja ava kutanga kusada kutaura neni zvakanaka. Pasina mazuva, ndipo pandakazomuwanikidza aine chikomba,” akadaro Munemo.

Anoti mudzimai wake akaenda nechikomba (zita tinaro), icho chinonzi mupurisa.

Munemo anoti paakawanikidza mudzimai wake aine chikomba mumagumbeze mumba mavo kuBudiriro 5, akangosiyana navo.

“Mukadzi uyu akatora nechikomba ndisipo, ndikazongoti ndichibva kubasa wanei vari pamubhedha. Chikomba ichi ndakanga ndisingachizivi kubvira kare, ndiko kwakanga kuri kutanga kumuona. Hapana zvandakakwanisa kutaura kana kuita navo, asi ndakangotora zvinhu zvangu zvese zvaiva mumba umu ndikaenda ndichivasiya varimo.

“Nemukadzi uyu tanga tisati tava nemwana kubva patakaroorana mugore ra2009 asi zvakangondishamisa kuti chii chakaitawo kuti andiitire chipfambi chakadai. Akatadza kundiramba zvakanaka here?

“Kumba kwavo ndakabvisa roora uye chimwe chinhu chakanyanya kundirwadza ndechekuti mukadzi wangu munhu wandinobva muraini rimwe chete naye zvekuti handina kufungidzira kuti angaita zvinhu zvinotadzisa vabereki vedu kuonana seizvi,” akadaro.

“Ndava kutya Charle (chikomba) nekuti ava kugara achindityisidzira achiti anoda kundipfura nekuti mupurisa.

Akandiudza kuti musi waari kuzoroorana naAlice achandikoka. Apa anodaro ini wacho mukadzi wangu negupuro chairo ndanga ndisati ndapanana naye.”

Paakabatwa panhare, Charle akati haakwanise kutaura nevatori venhau uye kana nyaya iyi ikangobuda mubepanhau achasungisa Kwayedza. “Zvese zvamaudzwa nemunhu akuudzai iyeye, kana ari Innocent manyepo uye ini musandibvunza. Iye ngaakuudzei zvese zvaanoda, handina basa nazvo. Usaswera uchindifonera tunyaya tusina basa ndokusungisa, uri imbwa yemunhu.

“Ndikangoona zita rangu mubepa imomo uri kuzogara mujeri nekuda kunyora zvinhu zvisina basa ikoko,” akadaro.

Akati vabereki vaChembe vari kumutambira semukuwasha wavo zvisinei nekuti aimbova nemumwe murume.

“Pari zvino vabereki vemukadzi wangu uyu vakatondipa bepa rakanyorwa zvese zviri kudiwa paroora zvekuti tatova munzira kunoroora.

“Uyu muchinda akanga asina kubvisa kana roora aingogara nemukadzi waasina kuroora, chero mwana vanga vasati vava naye.

“Vabereki vemukadzi vari kutonditambira nemawoko maviri, iye kana achifunga kuti kugona zvekuswera achitaura nemi vemapepa hapana zvaari kuita. Ari kutopa mukadzi wangu ‘stress’ nezvinhu zvisina basa.”

Charle akaenderera mberi:
“Ndinoziva kwandichasangana newe (mutori wenhau) pamwe chete nemabvunziro andichakuita maererano nenyaya iyoyi kana ikangobuda mubepanhau renyu. Kana uchida kuti zvikufambire zvakanaka uye kuti usagara upenyu hwekutiza-tiza siyana nenyaya iyi nekuti uchazviona kuti zvichakuparira.”

Hanzvadzi yaChembe, VaAnyway Chembe (36), vanoti Munemo akaroora uye vanin’ina vake ndivo vaiita “hudyire nerusarura rwekuda mukuwasha anoti onekerei”.

“Inini zvekuti kune mukuwasha ari kuda kuuya ndakangozvinzwa neguhwa. Vari kuzivana nemuchinda anonzi Charle uyu vanin’ina vangu avo vari kuita zvinhu izvi zvisina ruzivo rwangu ini mukoma wavo. Nyaya yekuroodza iyi iri kuitwa zvekuti pari zvino yatove padanho repamusoro sekunzwa kwandakaita.

“Munemo akabvisa mari nyangwe zvake akanga asati apedza kuroora asi hakunganzi haana kuroora nekuti roora haribhadharwe kamwe chete sezvatinoziva patsika dzedu. Charle hapana paangazoziva kuti Munemo akabvisa (roora) here kana kuti haana nekuti zvese zvaari kuziva izvo ndezvekuudzwa nevanhu vakanangana nekuda kudya mari yake.

Inini ndiri kutosarudzwa panyaya iyi, vanin’ina vangu ndivo vakanyora list yeroora vakariendesa kumuchinda wacho iyeye zvisina ruzivo rwangu,” yakadaro hanzvadzi iyi

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey