Uncategorized

Mudzimai orohwa ari musvo

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mudzimai orohwa ari musvo

Kwayedza

. . . otiza vanhu vachimuonerera

Gamuchirai Muzanenhamu—

MUKADZI akaroorwa anoti murume wake ane tsika yekumurova asina kupfeka izvo zvinoita kuti atize mumba ari musvo, vavakidzani nevamwe vanhu vanodarika vachingomuonerera.

Anoti kutiza asina kupfeka kuri nani pane kuti akuvadzwe kana kumirira kupondwa  achimbopfeka hembe.

Shupikai Mazivanhanga akamhan’arira Charles Matenga kuHarare Civil Court achitsvaga gwaro rinomudzivirira.

“Ndanzwa nekurohwa zuva nezuva. Dzimwe nguva ndinotiza mumba ndisina kupfeka nekuti ndinenge ndave kuona kuti pamwe ndingafe, ndotoona kuti kubuda mumba ndichionererwa nevamwe ndiri mupenyu kuri nani pane kuti ndife ndakapfeka hembe,” anodaro mudzimai uyu.

Anoenderera mberi achiti Matenga anocheka-cheka magemenzi nembatya dzake dzekubasa kuitira kuti agare pamba.

“Haadi kundiona ndichibva pamba zvekuti magemenzi angu ekuchechi akaacheka-cheka zvose nemayunifomu angu ekubasa achiti haadi kuti ndibve pamba nekuti haandinzwisise mafambiro angu,” anodaro Mazivanhanga.

Anoti nekuda kwekunetsana kwavo, muridzi wepamba pavanogara ave kuda kuvadzinga.

“Muridzi wepamba patiri kugara akati achatidzinga pamba pake kana tikaramba tichinetsa achiti hazvisi kupa mucherechedzo wakanaka kuvana vake uye ava kugara achitya,” anodaro Mazivanhanga.

Matenga anopikisana nechikumbiro chemudzimai wake achiti anomuda uye anoda kukumbira ruregerero.

“Ndinopikisana nechikumbiro chake nekuti mudzimai wangu wandakaroora uye ndinomuda.

“Ndiri kukumbira ruregerero kwaari rwandiri kuziva kuti anondiregerera pasina zvekuunzana kumatare,” anodaro Matenga.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Mazivanhanga gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey