‘Mudzimai wangu haabve mun’anga’

13 Dec, 2023 - 12:12 0 Views
‘Mudzimai wangu haabve mun’anga’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUMWE murume akachema-chema mudare reHarare Civil Court achiti mudzimai wake ari kumushungurudza nekuenda kumasowe nekun’anga izvo akamurambidza kuti asaite.

Ngonidzashe Nyaude anoti Dione Maziva anoenda kumasowe nekun’anga zvakanyanyisa.

“Tinogara tichirwisana nekuti haadi kubva kumasowe nekun’anga. Mumwe musi akandiruma paruoko ndikakuvara,” anodaro Nyaude.

“Chimwe chatisiri kuwirirana ndechekuti ane basa rekubvisa nhumbu uye iko zvino akandisiira vana vadiki avo vanoda amai pedyo.”

Zvisinei, akazodzirasa apo akabvunzwa nemutongi Sharon Mashavira kuti ndiani anotanga kurova mumwe mumba mavo, ndokupindura achiti ndiye.

Achipawo divi rake, Maziva anoti zvose zvataurwa nemurume wake ndezvekunyepa.

“Iye ndiye akatondidzinga pamba achiti handisi kurega zvemasowe sei. Iko zvino anouya kwandinogara achikumbira bonde nokundinyengerera kuti ndidzoke kumba. Mumwe musi akatoti ngatiende kumasowe pamwe mweya yakaipa iri kumuvhiringa,” anodaro Maziva.

Nyaude akatadza kubudisa pachena kushungurudzwa kwaari kuitwa naMaziva.

Mutongi Mashavira akarasa chikumburo chaNyaude achiti haana kupa umbowo hwakazara hunotaridza kuti ari kushungurudzwa sei naMaziva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey