Uncategorized

MUDZIMU TUGU MUPOSITORI ARI PAN’ANGA

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
MUDZIMU TUGU MUPOSITORI ARI PAN’ANGA Meluleki Masocha achinamatirwa naMadzimai Sekai Magorimbo apo vamwe vaive vakatarisa

Kwayedza

MURUME mupositori wemubhuku raMakota, kwaMambo Gwesela, kuZhombe, akabatwa nemweya unofungidzirwa kuti ndewengozi apo iye nevemhuri yake vakanga vaenda kunobatsirwa nen’anga dzeZinatha idzo dzaichenura misha munzvimbo iyi nguva pfupi yadarika. Nhengo dzeZinatha idzi dzinosanganisira muporofita mumwe chete nen’anga ina.

Meluleki Masocha (22) akabatwa nemweya uyu kwenguva inodarika awa rimwe chete apo aikarara, achizvirovera pasi uye aibuda masiriri, achirutsa nekufutunudza matama, chiso chake chichisanduka.

Murume uyu akangotanga kukarara achizvigwinha musoro nemuviri wose, muromo nechiso chake achizvimonya apo akabatwa musoro naMadzimai Sekai Magorimbo (49), vanova muporofita aishanda nen’anga dzeZinatha idzi.

Masocha paakaiswa tsvimbo yemuporofita uyu pachipfuva, akasvetuka ndokutanga kufamba nemabvi achigwesha apo Madzimai Magorimbo nedzimwe n’anga dzaivapo vakamukomberana achiwomba sebhuru remombe.

Meluleki Masocha achinamatirwa naMadzimai Sekai Magorimbo apo vamwe vaive vakatarisa

Meluleki Masocha achinamatirwa naMadzimai Sekai Magorimbo apo vamwe vaive vakatarisa

Dzimwe hama dzemurume uyu dzainge dzaenda naye uku — idzo dzakaramba kudurwa nemazita adzo — dzinosanganisira baba naamai vake avo vanoti mwanakomana wavo uyu anopinda chechi yechipositori uye haana kumbobvira akabatwa nemweya wakadaro.

“Zvatishamisa. Tauya naye pano tichidawo kubatsirwa semhuri, tazongoona paaiswa tsvimbo pachipfuya atanga kuhuta nekusimudza mawoko mudenga achibva ava kukarara. Handizive kuti ndiyani akaita nyaya idzi, kana ari munhu anodai mwana wangu tichapedzerana,” vanodaro baba vake.

Madzimai Magorimbo panguva yavainamatira Masocha vakambodzingirirwa naye achida kuvarova.

“Akadyiswa nyama, saka mweya wave kuuya uyu ndewe mufi uyo uri kuuya sengozi. Mukaona ari kuita seanoda kurutsa asi nyama yacho iri kurambira pahuro.

“Anoda kurutsiswa nemishonga kana kupihwa mishonga ozoita pamwe chete netsvina,” vanodaro Madzimai Magorimbo. Mweya uyu wakatora nguva refu uchinetsa kuti uende zvikazoita kuti Madzimai Magorimbo vabatsirane nen’anga dzinoti VaTichakunda Bote kana kuti Sekuru Katerere (43), Mbuya Stella Mutezo (32), Mbuya Karista Magorimbo (45) naVaOcean Matiyashe kana kuti Sekuru Sithole. Sekuru Katerere vanoti murume uyu ane mudzimu wakabatanidzwa nemweya wengozi kuburikidza nekudyiswa kwaanonzi akaitwa nevaroyi.

“Mweya uri pamurume uyu wabatana, kuti mudzimu nengozi pamwe chete sezvo akadyiswa nyama nevaroyi,” vanodaro.

Mushure mekunge mweya uyu waenda, Masocha akazoenda paive naSekuru Sithole apo akanobatiswa tsvimbo dzavo nebakatwa izvo zvavanoti zvinoyera.

Zvakadaro, pane mumwewo mudzimai zvakare akabatsirwa pagungano iri uyo aiti anonzwa achishevedzwa zita rake nevanhu vaasingaone, angava masikati kana husiku.

Betty Chikwata (46) wemubhuku raMakata anoti ave nemakore matanhatu aine dambudziko iri. Mudzimai uyu anoti anonzwa achishevedzwa nemazwi anosanganisira evarume, vakadzi, tusikana netukomana — izvo zvakadudzirwa kuti zvidhoma zvinomushevedza. Sekuru Katerere vanoti Chikwata akarega kubatsirwa nekukasika achapihwa shavi rehuroyi kana kupengeswa.

“Mudzimai uyu anoshevedzwa nevaroyi nezvidhoma saka anoda kubatsirwa nenguva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey