Mufundisi akatiza mhuri

17 Sep, 2015 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Mathew Masinge
MUFUNDISI wekuendeswa kudare nemudzimai wake achipomerwa mhosva yekusariritira mhuri akazoshaikwa panguva iyo nyaya yavo yakange yopinda mudariro kunyangwe zvazvo akambenge aonekwa aripo.

Primrose Chinyuku akaendesa murume wake, Justice Madzongo, uyo anove mufundisi wechechi isina kutaurwa zita rayo, kuHarare Civil Court achida $150 yemendenenzi nekuti akamutiza pamba achimusiya achitambura nevana.

“Murume uyu haachachengeti mhuri yake uye akangobva pamba zvisina kana tsanangudzo. Taigara pamba yatakatsvagirwa nechechi nekuda kwekuti tiri vafundisi. Ndakatozosara ndave kunetsana nevaridzi vemba vava kuda mari yerendi nekuti chechi yakabva yamirawo kubhadhara rendi.

“Iniwo semunhu ndaizviti ndine chiremerera saMai Mufundisi, handina kuda kuzvinyadzisa, ndakangobudawo nemwana wangu tikaenda kuhanzvadzi yangu kunova kwandichiri kugara nanhasi,” akadaro Chinyuku.

Chinyuku akati hanzvadzi yake haichakwanisa kuramba ichimuchengeta iye nemwana wake ndokusaka ava kuda mari yemendenenzi.

“Hanzvadzi yangu munhu ane mhuri yake yatokurawo. Saka mushure mekumiswa basa kwaakaitwa mwedzi yapfuura, akanditi zvava kumuremera kutichengeta kana pasina cheuviri chandinounza mumba.

“Ndinozviziva kuti baba ava samufundisi havangatadze kuriritira mwana wavo nekuti chechi yavo inochengeta vafundisi zvisiri zvenhamo. Kutaura kuno akatotenga karori kaanohaisa kune vanotakura mabhero efodya nevanodhirivhara chingwa, ane mari,” akadaro Chinyuku.

Madzongo haana kuwanikwa mudare kuti apewo divi rake kunyangwe zvake akambenge aripo nyaya iyi isati yatanga kutongwa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati Madzongo abvise $100 pamwedzi yekuchengeta mwana wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey