MuHarare maita mahumunya

09 Aug, 2023 - 09:08 0 Views
MuHarare maita mahumunya Munhu ane mahumunya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE chemahumunya chanyuka muguta reHarare izvo zviri kumutsa kutya kukuru kuti chinogona kuramba chichitekeshera – kunyanya kuvana – Kwayedza yakaziviswa.

Dr Propsper Chonzi, avo vanova mukuru wechikamu chezveutano mukanzuru yeHarare, vanoti nyaya dzechirwere ichi dzakatotanga kubuda muzvikoro zvisati zvavharwa uye nemuzvipatara.

“Vatori venhau vane basa guru rekufambisa mashoko maringe nechirwere ichi kuti vanhu vawane chenjedzo. Vabereki kana vachengeti vevana vanofanirwa kuvaendesa kuzvipatara zviri pedyo navo kuti vanobatsirwa.

“Chirwere ichi chinoonekwa pamunhu kuburikidza nekuzvimba kweshaya zvichienda kuhuro nekumatama uye zvinogona kuitika kwemazuva maviri pasina chikonzero, kureva kuti zvinongonyuka. Murwere anonetseka kutsenga kana kumedza uye achipera simba nekushaya hanya nekudya. Vanakomana vanogona kuzvimba muhudyu,” vanodaro.

Sangano rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere reAmerican Centre for Diseases Control (CDC) rinoti chirwere ichi chinogona kutora mazuva matatu chichitambudza murwere chichizowedzera apo shaya dzinozvimba.

Mumiririri wesangano reWorld Health Organisation (WHO) muZimbabwe, Dr Jean Dangou, vanoti mahumunya anokonzera matambudziko akawanda mumuviri wemunhu.

Chirwere ichi chinonzi chinokonzerawo marwadzo mumazamu, kuvhiringika kwenjere nekukundikana kunzwa zvakanaka.

“Chirwere chemahumunya chinotapuriranwa apo mwana kana munhu mukuru ane hutachiona anokosora zvinoita kuti mumwe munhu asina hutachiona hwacho achibata. Zviratidzo zvechirwere ichi zvinoonekwa mushure memazuva 12-25 ekutapurirwa nokudaro munhu ane hutachiona uhwu anokwanisa zvekare kuhuparadzira kune vamwe mushure memazuva maviri kana mashanu ekuva nezviratidzo,” vanodaro.

Zvichakadai, Sekuru Peter Maponda vanova murapi wechivanhu vanoti chirwere chemahumunya chakagara chiriko kubvira pasichigare asi chinorapika.

“Kune mishonga yechivanhu inorapa mahumunya asi kazhinji mamwe anongopera ega asina kurapwa kana ari aye asina kunyanya kuzvimba ekuti mwana anenge achitotamba. Panyaya yekusungurira guri iyo yaiitwa kare, kwaive kusarapaba asi kuti vakuru vedu vaiziva kuti kana mwana achinge asungirirwa guri muhuro haazoendi panze kunotamba nevamwe izvo zvatingati yaive nzira yekumupaura kubva kune vamwe vana kuitira kuti chirwere ichi chisaramba chichipararira.

“Zvimwe chetezvo nepaya painzi vanhu vasagare mumigwagwa vachinzi vanozoita mamota, zvaibatsira kuti vasagare panzvimbo dzine njodzi nekuti mumugwagwa unotsikwa nemotokari,” vanodaro.

Vanoti nyaya dzehutsanana ndidzo dzakakosha zvikuru mukurwisa chirwere ichi apo veruzhinji, kusanganisira pwere, vanofanira kugeza kumeso mangwanani pavanomuka uye kugeza mumukanwa kuitira kuti hutachiona husamuite dambiro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey