Uncategorized

Mukadzi achonera kuAngola

22 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Sandy Musunguta
VAMWE samusha vakagunun’una mudare vachiti mudzimai wavo anoenda kunochonera kunyika yeAngola kwemwedzi inosvika mina achihodha zvekutengesa apo ivo vanenge vasara nevana kumba.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Beauty Katanha akamhan’arira murume wake, Goodwill Katanha, achida gwaro redziviriro achiti anogara achimurova, kumutukirira nekumurambidza kuti aende kunze kwenyika kunohodha zvinhu zvekutengesa. “Changamire, baba ava vanondirova nekunditukirira vachiti ndiri kuita zvechipfambi. Ini ndinoenda kuAngola kunoshanda, mari yandinenge ndashanda ndobva ndangohodha zvinhu, ndouya ndotengesera kuno. Asi iye haadi, ava kutondirambidza zvekutosvika pakundirova nekunditukirira pane vana,” akadaro Beauty.

“Chazonyanya kundiunza kuno ndechekuti anoenda kuEmbassy pose pandinenge ndagadzirira kuenda kuAngola kunorambidza kuti ndipihwe Visa achiti mukadzi wangu wandakachata naye, musamupe Visa ari kuita zvemusoro wake.

‘‘Asi apa ndiko kunobva mari yatinoshandisa kuti tirarame, kusanganisira naiyewo,” akadaro.

Akaudza dare kuti motokari inoshandiswa naGoodwill ndiye akatenga.

“Motokari yandakatenga nemari yekuAngola iyoyo ndiye anoishandisa, ini ndave kutorambidzwa kusvika pedyo nayo. Handizive kuti anoda kuti ndiite sei?” akadaro Beauty.

Gooodwill, uyo aibvunda mudare, akati haana zvakawanda zvaangakwanise kupindura nechikonzero chekuti aida kuti gweta rake riuye kuzomumirira panyaya iyi.

“Changamire, kudai manzwa chichemo changu chekuti gweta rangu riuye nekuti ndiro randinoda kunyatsoudza zvose rozotsanangura muchidimbu zvandisingakwanise ini. Panyaya yekuAngola kwaanotaura, inyaya yekuti haazive nguva yekudzoka kumba nekuti akaenda anogara mwedzi mina kana mishanu asipo ini ndiine vana. Ndipo pane nyaya yose,” akadaro Goodwill.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati vaviri ava vazodzoke kudare kuitira kupa mukana kuna Goodwill wekuti auye negweta rake. Asi akapa Beauty gwaro redziviriro iro richashanda kusvika vadzoka kudare.

Akati Goodwill asaende kumuzinda wemahofisi yenyika yeAngola kunovhiringidza hurongwa hwemudzimai wake hwekushanya kunze kwenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey