Mukadzi akabongomora mudare

23 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Cassius Mushore
MUMWE mukadzi aridza mhere mudare zvakaita kuti kutongwa kwenyaya yake kumbomiswa mushure mekunge murume wake ati anokwanisa kumupa $10 yemendenenzi yekuchengeta vana vana. Rumbidzai Urayayi akamhan’arira murume wake Thomas Mundondo kudare reHarare Civil Court achiti haasi kuchengeta vana vavo.

“Changamire murume amire apa haatenge kana chikafu mumba mangu haachapinde, nhumbi dzevana dzapera kubvaruka ndava kutoona nhamo sezvinonzi baba vacho vakafa.

“Ini ndiri kuda $600 ndiyo inondikwanira kutenga chikafu, kubhadhara magetsi, mari yekuchipatara neyechikoro,’’ akadaro Urayayi. Akati murume wake haachada kana kukurukura naye pamusoro pemhuri yavo.

“Nguva neni semukadzi wako hauchina yekuti tikurukurewo handichaiwana kana mumba mangu hauchatsiki, unongoswera uri kwamaiguru chete izvo zvinondishungurudza zvikuru.

“Vane matebhuru kuSiyaso, kuMbare matatu avari kutorojesa uye vakanyoresa mukadzi mukuru imba ini handina kana chawakandiitirawo semukadzi wako wava kutonditora serara chairo basa ndere kungondizvarisa chete,’’ akadaro Urayayi.

Mundondo akaudza dare kuti anokwanisa kubvisa $10 chete yekuchengeta vana vana sezvo achitambira $150 pamwedzi uye ane imwe mhuri zvakare.

“Ndine vana vashanu nemukadzi mukuru, vana newe saka mari yekuti ndikuchengetei zvakaenderana ndiri kutoishayawo nekudaro ndinokwanisa kukupa $10 chete,’’ akadaro Mundondo.

Panguva iyi, Urayayi akabva aridza mhere zvakaita kuti kutongwa kwenyaya yavo kumbomiswa uye akabudiswa panze.
Nyaya iyi yakazopinda mudare zvakare kwapera chinguva apo Urayayi akange asisacheme.

Mundondo akaramba kuti akange aine matebhuru emisika matatu kuMbare achiti aingokiya-kiyawo semunhu ane mhuri yakakura.
Mutongi Audrey Tarugarira akati nyaya yevaviri ava yaidzoka zvakare mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey