Mukadzi anongoona ‘chimurume’ chasvetukira pamubhedha wake

30 Aug, 2023 - 12:08 0 Views
Mukadzi anongoona ‘chimurume’ chasvetukira pamubhedha wake Mambo Mutasa

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MUDZIMAI wekwaMutasa, mudunhu reManicaland, anoti ave nemakore anodarika gumi achishungurudzwa nemurume asingaonekwi uyo anongoerekana apinda mubhedhuru make achishereketa naye panguva yaanenge arere nemurume wake pamubhedha.

Mudzimai uyu, uyo anongozivikanwa saMai Muchemwa, anoti murume waasingazive uyu anotaura naye uye anomurezva izvo zvakaona murume wake, VaShingirai Muchemwa, vachinenera vanatezvara vavo mhosva yekuti ndivo honzeri panyaya iyi.

VaMuchemwa vakasvika pakuendesa vanatezvara vavo kudare raMambo Mutasa.

Vachitaura mudare iri, VaMuchemwa vanoti mudzimai wavo anongoona murume uyu asi chiso chake chisiri kuonekwa.

Mudzimai uyu anoti ari kushungurudzika zvikuru mupfungwa sezvo murume uyu achimutevera kwese kwaanoenda.

Pese paanomuona, anobva atanga kutevera pasina zororo.

Anoti izvi zvakonzera kuti aparadzike pamuviri kakawanda muwanano yake yemakore gumi.

“Handisati ndamboona chiso chemurume uyu, zvinondishungurudza asi murume wangu ndinomuudza pese pandinoona murume uyu. Ndakangotanga kuona murume uyu pandakaroorwa,” anodaro mudzimai uyu achichema zvikuru.

Murume wake ndiye akazopedzisa kutaura nyaya yacho mudare.

“Mudzimai wangu akangotanga kutsanangura zvinhu zvinotyisa. Kazhinji, anotomuka achiona murume uyu akarara pamubhedha kunyangwe ini ndiripo. Pakarepo, anobva atanga kutevera zzz. Takaroorana atova makore gumi uye hatina mwana. Patakambobvunzira kun’anga takaudzwa kuti VaAmos Matongo nemudzimai wavo vanova madzitezvara angu ndivo vari kukonzera nyaya dzese idzi,” vanodaro.

VaMuchemwa vanoti vatezvara vavo vakaita godo nemwanasikana wavo nekuti vaisada kuti aroorwe izvo zvakaita kuti vamusundire munyama kuti asabata pamuviri kuitira kuti wanano yake iparare.

“Ndakamhan’ara nyaya iyi kuna Sadunhu Mukahanana vanova vakati titsvage n’anga inotibatsira asi vanatezvara vangu vakatanga kuti vanoda nguva yekuunganidza mari. Nekufamba kwenguva, vakatanga kusanduka vava kuti havadi kuita zvinhu zvine chekuita nen’anga nemaporofita kusvika ndauya mune rino dare,” vanodaro.

VaMuchemwa vanoti ambuya vavo, amai vemukadzi, vanonzi vakanga vakapihwa munyama wakadaro wekuti vasaroorwe asi pavakazobudirira kuroorwa vakabva vasundira rushambwa irworwo kumudzimai wavo.

“Pandakangoroora, mudzimai wangu akabva atanga kurwara. Aipedza nguva yake zhinji arere pamubhedha apo aiona murume uyu achiuya kuzorarawo pamubedha ipapo. Akabva pamuviri kakawanda mukati memakore mashanu kusvika tazivisa vabereki vake asi vakaramba kutibatsira.

“Vakatozotanga kuda kuti tifambe kun’anga mushure mekunge ndavasiira mwana wavo kumba kwavo ndichiti ndava kumuramba. Ndipo patakaudzwa tiri pamwe chete kuti mukadzi wangu akaiswa rushambwa nehama dzaamai vake asi haasati awaniswa rubatsiro nanhasi,” vanodaro.

VaMuchemwa vanoti muporofita uyu akataura kuti kana vachida kuti vabvise rushambwa urwu pamudzimai wake, vanatezvara vake vaifanira kutobvisa mweya wacho voisa pane mumwe mwanasikana wavo asi vakaramba.

Zvisinei, vanatezvara ava vakarambisisa nyaya iyi mudare vachiti havasi ivo honzeri yedambudziko rakatarisana nemwanasikana wavo.

“Mwanasikana wangu paakaroorwa naMuchemwa, vakaita dambudziko rekushaya mbereko tikashanyira n’anga dzinosvika pfumbamwe asi hakuna kana imwe chete yakandinongedza kuti ndini honzeri yemunyama uyu. Ndiri kutoshamisika nhasi uno mudare achitaura kuti ndini muroyi kunova kusvibisa zita rangu zvekuti chero vanhu vari munharaunda muno nhasi uno vava kundisema,” vanodaro VaMatongo.

Mambo Mutasa vakayambira VaMuchemwa kuti vangwarire kutyora mutemo nekupumha huroyi madzitezvara avo.

“Haungapomeri vatezvara mhosva. Hongu, unoda mudzimai wako asi iyi inyaya yekwaMatongo saka vasiye vafambire nyaya dzavo nekudaro unofanira kuvapa mwana wavo vaone nzira dzekuti vanomubatsira sei. Unofanira kumirira pane kumhanya kusvibisa zita ravo seizvi. Panhau yekushaya mbereko kana kurasikirwa nembereko, inogona kudaro iri nyaya inoda machiremba,” vanodaro.

Vakakurudzira VaMuchemwa nemudzimai wavo kuti vatange vanoona chiremba akadzidzira basa vasati vaenda kunobvunzira kun’anga nhatu.

Nyaya iyi ichadzoka kudare munguva pfupi inotevera mushure mekunge zvakanzi naMambo Mutasa zviitwe zvaitwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey