Mukadzi aroverwa makondomu akashanda

21 Aug, 2021 - 23:08 0 Views
Mukadzi aroverwa makondomu akashanda

Kwayedza

Danisa Masuku

MUKADZI wekuBulawayo akarohwa senyoka yapinda mumba neshamwarirume yake mushure mekunge aibvunza kuti sei muhomwe yemudhebhe wake maive nemakondomu maviri akashandiswa.

Pascal Tembo (30) akashanyira mudiwa wake, Thembisile Maduma, uyo anogara kuEmganwini, kwakare kuBulawayo, munguva dzehusiku vachibva varara.

Maduma akazotora mbatya dzaTembo kuti adzipete achibva asecha muhomwe ndokuwana muine makondomu maviri ainge akashanda izvo zvakaita kuti ashatirwe zvikuru ndokumubvunza kuti akange abva kupi.

Tembo akatadza kuzvidzora achibva atanga kurova mudiwa wake muviri wose izvo zvakaita kuti vamwe vavakidzani vamuke vachibva vamubata ndokumuendesa kumapurisa.

Murume uyu akazomiswa pamberi pemutongi wedare reWest Commonage Court, VaSherperd Mnjanja, achitarisana nemhosva yekurova inova yaanobvuma.

“Mambo wangu mhosva iyi ndinoibvuma uye ndakaipara nekuda kwehasha zvisinei nekuti ndini ndainge ndatadza,” anodaro Tembo.

Mutongi Mnjanja akabva amupa chirango chekubhadhara faindi ye$10 000 uye kukundikana kwake kubhadhara mari iyi mukati memasvondo maviri achagara mujeri kwemwedzi mina.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey