‘Mukadzi ndinomuda, zvisinei nechipfambi’

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Mukadzi ndinomuda,  zvisinei nechipfambi’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wemuHarare — uyo ava kunyatsoziva kuti mwana waaifunga kuti ndewake haazi wake mushure meongororo ye”deoxyribonucleic acid” (DNA) — anoti mudzimai wake anongomuda zvakadaro, zvisinei nekuti mukadzi uyu akaita gumbo mumba gumbo kunze.

Nyaya yekuti mwana haazi wemurume uyu yakaputika nguva pfupi yadarika pachirongwa chinonzi “I Want to Know” icho chinoitwa nemusi weChipiri manheru naTilder Moyo-Karizamimba panhepfenyuro yeStar FM. Muchirongwa ichi, varume vasina chokwadi chekuti vana ndevavo here kana kuti kwete vanoenda vonoongororwa ropa ravo nerevana kuburikidza nenzira yeDNA.

Chirongwa ichi chiri kutungamirirwa naVaTinashe Mugabe — avo vanova consultant kukambani yeGlobal DNA Zimbabwe. Nekuda kwekusavimbana, murume nemudzimai — Tapera Makwati (27) naChido Mavhu (23) (haazi mazita avo chaiwo) — vakazosvika pakuitwa ongororo yeropa pamwe chete nemwana wavo ane gore nemwedzi miviri yekuberekwa.

 

Chido Mavhu

Mushure meongororo iyi, zvakabuda pachena kuti mwana haasi waMakwati, asi kuti ndewe mumwewo murume. VaMugabe vakaudza murume nemudzimai wake ava paStar FM, munhepfenyuro mukava nerunyararo rwekunge mumochari apo Makwati akaratidza kushamisika kukuru.

“Takaongorora ropa remwana nerababa, zvikabuda kuti baba vatiinavo muno ava havasirivo muridzi wemwana, kureva kuti mwana haasi wavo. Ndizvo zvakabuda izvi,” vanodaro VaMugabe. Panguva iyi, Tilder anodzikamisa Makwati nekuda kwezvakabuda izvi.

“Tine hurombo baba nezvabuda izvi, mozvibata. Munoti kudii nazvo? Muchada here kugara muina amai ava kana kuti mava nemamwe mafungiro? Tinoziva zvinorwadza,” anodaro Tilder. Makwati anopindura achiti kunyangwe mwana uyu asiri wake, hazvina basa uye hapana chiri kuzoshanduka – mudzimai wake anongomuda zvakadaro.

Mushure mekumbotura befu, Makwati anoti: “Ndinotenda zvikuru veGlobal DNA Zimbabwe nekuita kuti ndizive chokwadi — kuti mwana wandanga ndichiti ndiye dangwe rangu haasi wangu. Asi ndinoti hazviite kuti tirambane, ndicharamba ndiine mukadzi wangu, mwana ndinochengeta zvangu. Hazvina mhosva.”

Mavhu anotiwo akadanana nevarume vaviri nguva imwe chete, izvo zvakaita kuti atadze kuziva baba vemwana wake chaivo.

“Takambosiyana nemurume uyu (Makwati) kwechinguva, ini ndokutanga kudanana nemumwewo murume. Uyu akazodzoka ndokundinyengetedza ndokutanga kudanana navo vose vari vaviri panguva imwe chete — ndichibva ndaita pamuviri pemwana iyeyu.

“Mumwe murume uyu ndiye akabva azotoresa mwana uyu matsamba ekuzvarwa uye ndakazosiyana naye hangu. Asi nyaya yemwana uyu yanga ichinetsa, ini ndaida kuziva baba vemwana chaivo, kunyangwe vabereki vangu vaidawo kuziva vachiti ndisape munhu ropa risiri rake,” anodaro Mavhu.

“Ndinotenda murume wangu nekundinzwisisa, tichagara tose zvakanaka. Mumwe murume uye handichataura naye, kana kwaari handikuzive,” anodaro mukadzi uyu akatarisa murume wake mumaziso chaimo.

Makwati naMavhu vave nemakore 7 varoorana. Zvichakadai, Sekuru Bonface Katerere vekuUzumba vanoti ingozi kutora mwana asiri wako uchimuisa mudzinza rako.

“Pachivanhu zvinonetsa kuti murume utore mwana wemumwe murume kumuita wako, ingozi inopedza dzinza.

“Murume uyu ngaatsvage baba vemwana uyu vopota vachiona mwana wavo kunyangwe achimuchengeta zvake,” vanodaro Sekuru Katerere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey