‘Mukadzi ngaachengetewo vana’

24 Dec, 2023 - 11:12 0 Views
‘Mukadzi ngaachengetewo vana’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare akachema-chema mudare remendenenzi achiti aimbova mudzimai wake anofanirwa kumubatsira kuchengeta vana vavo vaviri sezvo achitambira mari yakawanda apa iye anorarama nekugeza motokari.

Molline Chaputsira akaendesa Garikari Muzanenhamo kudare reHarare Civil Court achida US$300 yemendenenzi pamwedzi yevana vaviri.

“Muzanenhamo anoita basa rekutyaira marori uye ane mamwe mabhindauko aanoita paXimex Mall kana achinge ari pazororo,” anodaro Chaputsira.

Achipawo divi rake, Muzanenhamo anoti haakwanisi kuita zvose nekuti Chaputsira anoshanda uye anotambira mari yakawanda.

“Ndiri kuda kuti tibatsirane kuchengeta vana nekuti iye anotambira mari yakawanda, inini ndinoita basa rekugeza motokari saka ndinokwanisa kumupa US$50,” anodaro Muzanenhamo.

“Ndakaroora uye ndiri kuchengeta amai vangu sezvo baba vakangotisiya vakaenda kwavakaenda,” anodaro

Mutongi Ayanda Dhlamini akati Muzanenhamo abhadhare US$100 pamwedzi pamwe chete nekuendesa vana vake kuchikoro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey