Uncategorized

Mukatyora mutemo munosungwa: ZRP

20 Feb, 2022 - 20:02 0 Views
Mukatyora mutemo munosungwa: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kukurudzira veruzhinji kuti vasavarairwe panyaya yekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid-19 nguva dzose kusanganisira neapo vanenge vari pazororo vachipemberera zuva revechidiki (R. Mugabe National Youth Day) neMuvhuro uno.

Zuva iri rinopembererwa nemusi wa21 Kukadzi pagore pachicherechedzwa kukosha kwevechidiki mubudiriro yenyika.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vose vari kuwanikwa vachityora mitemo yekurwisa kupararira kwedenda iri vanosungwa.

“Semapurisa, tiri kufamba munzvimbo dzose dzenyika tichichengetedza runyararo nekuona kuti zvose zvinodiwa zviri kutevedzwa. Nemusi weChina wadarika, ndakafamba muzvitoro zvikuru muguta reHarare ndikazvionera kuti vamwe vanhu havasi kupfeka mamasiki zvachose.

“Vamwe vanofamba vakaarembedza zvoreva kuti hapana zvazvinoshanda. Vanhu takavaona zvakare vakaita chitsokotsoko mumitsara yekubhadhara kumatiru saka tinoti ngwarirai chirwere ichi, chiriko uye tisavarairwe,” vanodaro.

Asst Comm Nyathi vanoti vamwe vezvitoro havasi kutevedza mitemo iri maringe nekutengesera makasitoma sezvo vanhu vari kuwandisa mukati mezvitoro panguva imwe chete.

“Muzvitoro mune magadhi vanenge vari pamisiwo vanofanirwa kumwaya vanhu sanitiser asi takaona kuti kune zvimwe zvitoro izvi hazvisi kuitwa, vanhu vanongoregwa vachipinda. Ikurudziro yedu kuti vanhu vose vatange vamwaiwa sanitiser pavanopinda uyewo ngavarege kusiya vanhu vachiwandisa muzvitoro zvavo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Pazororo rezuva revechidiki tinokurudzira kuti vanhu patinenge tichipemberera titevedzere zvose zvinodiwa nemitemo mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.”

Vanoti ongororo yakaitwa nemapurisa inoratidza zvakare kuti mumabhawa mazhinji hamuzi kutevedzwa matanho aripo ekurwisa denda iri.

“Vanhu vari kuungana mumabhawa vachiona bhora paterevhizheni vakaita chitsotsoko, kuita kutsindirana chaiko uye vasina kupfeka mamasiki zvakare. Tapota, ngatitevedzerei mitemo yekudzivirira denda reCovid-19 zvizere nekuti mapurisa ari kusunga vanobatwa vachityora mitemo iyi nekudaro musazoti mavara azarevhu kana mabatwa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

“Kutyora mutemo une chekuita nekudzivirira Covid-19 kwakangofanana nekutyora mimwe mitemo yose zvayo zvinoita kuti vanhu vasungwe.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey