Uncategorized

‘Mukoma imbavha, uku oti makaro’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu—

MUNIN’INA akaendesa mukoma wake kudare redzimhosva achiti ari kupinda mumba make achimubira nekumudyira chikafu chake.

Comfort Tererai akadhonzera Ability Tererai – uyo angangosvika makore 30 okuberekwa – kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kupinda mumba make achimubira nekudya zvaanenge asina kupihwa.

“Anouya mumba mangu achindibira. Ndinotoziva kuti ambopindamo nekushaya zvinhu zvangu uye anongodya zvaanenge asina kupihwa.

“Ndinobika kana kutenga chingwa changu ndakatarisira kuzodya asi iye akachiona anongodya asina kukumbira kana kubvunza kuti chasiirwei,” anodaro Comfort.

Anoenderera mberi achiti mazuva aaigara naamai vake, vaive murunyararo asi pakazouya Ability akatanga kuvatuka.

“Paanga ari kuSouth Africa, ini naamai tichigara toga, taiva murunyararo asi kuuya kwake ava kutituka kuti tinomuroya achiti tisu tiri kumutadzisa kuita mari asi iye akadzoka nekuda kwake,” anodaro Comfort.

Anoenderera mberi achiti Ability inyope, ndizvo zviri kuita kuti abe nekudya zvinhu zvemutuckshop yake.

“Haadi kushanda, ndizvo zviri kuita kuti andibire nekudya zvinhu zvekutengesa mutuckshop,” anodaro.

Ability anoti anorambidzwa kudya kana ave nenzara.

“Vanondirambidza kudya asi ndikavati ndipeiwo mari yemaroja vanoramba asi mumwe nemumwe wavo ane dzimba dzake dzaanopihwa mari yemaroja,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Comfort anga ajaira kuita zvaanoda pamba iye paaive kuSouth Africa, saka ndizvo zvave kuita kuti aone kunge ari kunetswa.

“Anga ajaira kuita zvaanoda pamba ini pandaive ndisipo, ndizvo zvava kuita kuti afunge kuti ndiri kumunetsa nekuti ndiri mukuru kwaari,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Comfort gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey