Uncategorized

Mukoma nemunin’ina votsvukisirana maziso

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Trymore Muvhawa
MUKOMA nemun’ina vakaendesana kumatare edzimhosva vachipomerana kurovesana nemamonya pamwe nekupisirana fodya iri mumadhirihora. Musa Bright Nhongonhema akamhan’arira mukoma wake, Tambirai Lenox Nhongonhema, kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu sezvo achimudzinga pamusha pevabereki vavo.

Musa akati Tambirai anofanira kumuripa neUS$3 000 nekuti akaparadza madhirihora ake maviri efodya.

“Kutaura kwandiri kuita kudai ndave nemwedzi mina andidzinga pamba pevabereki. Handizive kuti anoda kuti ndiende kupi. “Zvakare, anotumira vanhu kuti vandirove, apa akandipisira fodya. Ini handishandi, ndinopona nekurima saka haafanire kundidzinga pamba nekuti haasi iye muridzi wepo. Vabereki vose vakashaya, ndivo vaive varidzi.

“Ndikada kunomhan’ara nyaya yacho kumapurisa ndinosara ndosvikako atondimhan’aira kare ndopedzisira ndatove musungwa,” anodaro Musa.

Tambirai akauda dare kuti Musa aitaura manyepo.

“Musa anondinyepera, kana achirohwa nevanhu vasiri ini ndivo vaanofanira kumhan’arira kwete ini.

“Handina mhosva nekugara kwake pamba apa sezvo ini ndiine purazi rangu. Kana yave nyaya yekuti ari kuda mari ndinofunga kuti anofanira kukwira kudare repamusoro,” akadaro Tambirai.

Akaenderera mberi achiti: “Musa anofanira kumhan’arira vanhu vanomurova kwete ini. Zvakare, kana asingagutsikane nemashandiro emapurisa anofanira kuamhan’arira nekuti kurohwa kwemunhu imhosva.”

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Musa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey