Mukuwasha chidhakwa abhanwa kusvika kwatezvara

20 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Mukuwasha chidhakwa abhanwa kusvika kwatezvara Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME wemuHarare, uyo ane marambadoro, anonzi akapihwa gwaro rerunyararo rekuti asasvike kwavatezvara vake uye kana akangodhakwa chete anotanga kufurufusha hanzvadzi yake nekupwanya mafafitera nemagonhi epamba pavakasiirwa nevabereki vavo.

Shingirayi Magake akaendesa hanzvadzi yake Jeffery Magake kudare reHarare Civil Court achiti kana adhakwa, anouya pamba otanga kumutuka nekumutyisidzira achiti achamuuraya.

“Kutaura kuno imba yose yakapera kupwanywa mafafitera nemagonhi. Akangonwa doro chete anotanga kuita ruzha nekuparadza midziyo mumba,” anodaro Shingirayi

“Ndinokumbirawo dare tikwanise kugara zvakanaka murunyararo nekuti imba iyi takaisiirwa nevabereki vedu. Dai aregedza hunhu hwake uhwu nekuti kwavatezvara wake akapihwa peace order pamusaka pehunhu hwake, pane muvakidzani wedu zvakare akamupa peace order.

Taimbomunzwira tsitsi semhuri asi haasi kuda kugadzirisa hunhu hwake,” anodaro.

Jeffery haana kupikisa chikumbiro chehanzvadzi yake.

Mutongi Sharon Mashavira akapa Shingirayi gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey