Uncategorized

Mukuwasha natezvara tiba!

21 Jul, 2016 - 13:07 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
TEZVARA nemukuwasha vanonzi vakamutsa zvimbokoma ndokurwisana mushure mekunge vadhakwa pavaikurukura nyaya dzainetsa mumhuri. Izvi zvakabuda mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts apo Joseph Mahobo (52) akamhan’arira tezvara vake, Charles Ngwerume (35), memubhuku raChakwidzira, kwaSeke, achiti vakamutema nechidhina pagumbo pasina chikonzero.

Mutongi wedare iri, Takunda Mutetwa, akapa Ngwerume bhero reUS$50 ndokumuti adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

Muchuchisi Tatenda Mukatera akaudza dare kuti nomusi wa9 Chikunguru munguva dzemanheru, pakamuka kusanzwanana pakati pevaviri ava pamusoro penyaya dzemumhuri mavo.

Ngwerume anonzi akatanga arwisana nemukoma wake apo Mahobo akange akatarisa. Mushure mezvo, Ngwerume anonzi akazongoerekana atema Mahobo nechidhinha pasina chikonzero.

Mukuedza kuvhika mhosva iyi, Ngwerume anoti vakarwa nemukuwasha wake mushure mekunge vadhakwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey