Uncategorized

Mukuwasha otukirira ambuya

21 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Courtney Munodawafa
MUKUWASHA anonzi ari kutukirira ambuya amai vemudzimai, pamwechete natezvara vake zvichibva mukunetsana kwaari kuita nemukadzi wake.

Amina Alikoshen akamhan’arira murume wake Deon Fernadez kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza pamwechete nevabereki vake.

Alikoshen anoti Fernadez ari kushaisa mhuri yevabereki vake mufaro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Alikoshen gwaro rinomudzivirira.

“Uyu murume wangu uye tine muchato asi parizvino hatisi kugara tose, ndakadzokera kumba kwevabereki gore rapfuura. Tine mwana mumwechete.

“Pataigara tose, aiita mhirizhonga achindituka, haasati ambondirova hake asi anonetsa. Ndakambomumhan’arira ndakazomuregerera,” anodaro.

Alikoshen anoti murume wake anotuka amai vake zvose nehanzvadzi yake.

“Anotumira mameseji achitukirira amai vangu, hanzvadzi yangu nemuroora wangu. Anouya kumba kwedu otanga kuramba kubva achiita zvemhirizhonga.

‘‘Handikwanise kumusungisa nekuti handidi kuti zvizokanganisa mwana wangu baba vake vave kujeri.

“Anokwanisa kuona mwana hake, ngaabatsire kumuchengeta asi ngaasauye kumba nekubasa kwangu uye kana akauya kumba ngaagumire kugedhi,” anodaro.

Fernadez anoti iye nemukadzi wake vanowirirana asi pane mhandu iri kuda kuvapesanisa.

“Tichiri tose asi kungoti tiri kugara kwakasiyana, pane mhandu iri kumufurira kuti andirambe asi totowirirana. Handikwanise kuitaura mhandu yacho.

“Ndakafona ndichida kutaura nemwana akasadaira foni saka ndakabva ndafonera amai vake asi vaisadaira,” anodaro.

Fernadez anoenderera mberi achiti, “Hongu, ndakazoenda kumba kwavo ndikatuka amai vake zvechokwadi, kwaiva kubatikana.

“Handingataure nevamwe vanhu nekuti handina kugadzira mwana navo. Iye anotoitawo mhirizhonga. Haandiudze kuti mwana haana zvinhu asi ndomupa mari yemwana.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey