Uncategorized

Mukuwasha otukirira ambuya

21 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

 ‘Muri muroyi, pfambi yemakoko’ 

Trymore Muvhawa

MUKUWASHA wekunzi anobatsirana nababa vake kutuka ambuya vake, amai vemudzimai, vachivapumha huroyi uye kuvapomera kuti ipfambi yemakoko akazomiswa pamberi pedare redzimhosva.Monika Chinembiri akamhan’arira Shadreck Shileto nababa vake, Misheck Shileto, kuHarare Civil Court achiti vari kumushungurudza.

“Ndatambudzwa nemaitiro evanhu ava. Mukuwasha uyu nababa vake vanondituka vachindipumha huroyi hwandisina. Rimwe zuva mukuwasha akauya pakati pehusiku achinditukirira achiti ndiri muroyi uye baba vake vakazouyawo vachiti, ‘Imi nemwana wenyu muri mazipfambi naizvozvo mwana wangu haifanira kuroorana nemwana wenyu’.

“Mukuwasha iyeyu akatuma zvakare mupurisa wemumusha achiti handifanire kutaura nemwana wangu kana kumuona zvachose. Handizive kuti kuroorana kwacho ndekwemhandoi kunondirambidza kuona mwana wangu,” akadaro.

Shadreck akapikisana nezvaitaurwa naChinembiri achiti: “Ambuya vangu havadi kuti ndiroorane nemwana wavo. Vakauya kumba kwedu vachinzi vaitukirira zvandisingagoni kudura pamberi pavo nhasi uye handina kumbosvika kumba kwavo sezvavari kutaura pano, ndatoshamisikawo.”

Misheck akarambawo kuti anobatsirana nemwana wake kutukirira ambuya vake.

“Hongu, ndakasvika pamba pavo mushure mekunge ivo vauya vachitukirira pamba pangu. Ndakavati ko kana motuka neni baba, vana pavakadanana ndaivepo here? Zvakare amai ava vaituma hanzvadzi dzemusikana kuti dzisvikotyisidzira pamwe nekurova mwana wangu izvo zvakaita kuti iye nemukadzi wake vatize pamba,” akadaro Misheck.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Chinembiri gwaro redziviriro asi ndokumuudza kuti panyaya yekuona mwana wake, akura nekudaro haasi munhu achaudzwa zvekuita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey