Uncategorized

Mumwezve mwana afa achizvara

22 Jan, 2022 - 12:01 0 Views
Mumwezve mwana afa achizvara Regai dzive shiri

Kwayedza

Ray Bande naLiberty Dube

MWANA musikana anga ave nemakore 15 ekuberekwa wekwaMarange akafa nemusi weChitatu wadarika mushure mekubuda ropa rakawandisa apo aibara achibatsirwa nemumwe nyamukuta wechitendero.

Ukuwo murume wemunzvimbo imwe chete iyi ari kutsvagwa nemapurisa zvichitevera kutadza kuuya kwaakaita kudare uko ari kutongwa nenyaya yekumitisa uye kukonzera rufu rwemumwezve mwanasikana ange asati abva zera.

Ferby Munyafi wekwaChiadzwa, kwaMambo Marange anonzi ange akaroorwa naArthur Chitombo (29) anobva mumusha mumwe chete uyu.

Rufu rwaFerby rwunotevera imwe nyaya yakanetsa yekwaMarange iyo yakaona mwanasikana aive nemakore 14 okuberekwa, Anna Machaya, achifa apo aisununguka kunzvimbo inozivikanwa nekuti kuchitsidzo, kwaMafararikwa kuchechi yeJohanne Marange Apostolic Church.

Chitombo akamiswa pamberi pemutongi Prisca Manhibi vedare reMutare Magistrates’ Courts nemusi weChipiri svondo rino achitarisana nemhosva yekuenda pabonde nemwana.

Chitombo akabhadhariswa bhera re$40 000 uye ari kutarisirwa kudzoka mudare nemusi wa12 Kukadzi.

Dare rakaudzwa kuti Ferby akaroorwa naChitombo munaKubvumbi gore radarika.

Mwanasikana uyu anonzi akazopihwa pamuviri uye haana kunonyoresa kuchipatara.

Nemusi wa9 Ndira gore rino, Ferby anonzi akatanga kunzwa kurwadziwa nepamuviri achiita seave kuda kusununguka.

Anonzi akabva amhanyiswa kune mumwe nyamukuta wezvetendero mumusha waMafararikwa.

Zvinonzi nemusi wa12 Ndira, Ferby akarasikirwa neropa rawakandisa apo aibara izvo zvakazokonzera kuti afe asati asununguka.

Chitombo akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaMarange nemusi wa13 Ndira ichibva yatanga kuferefetwa.

Mutumbi waFerby wakazoendeswa kumochari yechipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital kunoongororwa.

Mune imwewo nyaya, Amos Marange akamiswa pamberi pedare raMambo Marange, VaBernard Marange, achitongerwa mhosva yekupa pamuviri mwana musikana wake asati abva zera.

Amos, uyo asiri kuzivikanwa kuti aripi kubva paakamiswa pamberi pedare, akaripiswa mombe mbiri nekuda kwemakunakuna aakaita aya.

Vachitaura vakamirira Mambo Marange, VaBrighton Marange vanove munyori mudare rashe, vanoti Amos haasati aunza mombe idzi.

“Takaripisa Amos nekusvibisa kwaakaita dunhu redu. Mushure mekumubvunzisiswa mudare redu, akabvuma kuti akaenda pabonde nemwanasikana wake ndokumupa pamuviri. Akasvibisa musha wedu nedunhu rose rekwaMarange.

“Hatisati tanyatsoziva makore emwanasikana wake. Kuenda pabonde nemwanasikana wako, kunyangwe akura sei, makunakuna.

“Tiri kuunza mapurisa panyaya iyi sezvo zvakaitwa naAmos iri mhosva huru. Hatisi kuzomira panyaya iyoyi kusvika taona kuti mwanasikana uyu achengetedzwa zvakanaka.

“Takabatikana zvikuru nezvakaitika izvi. Tiri kuona kuti vamwe vanhu vari kuita zvinhu izvi nekuda kwedzimwe tsika dzakaipisisa,” vanodaro VaBrighton Marange.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey