Mune mukana wekudzivirira HIV kuvana — NAC

24 Jun, 2021 - 11:06 0 Views
Mune mukana wekudzivirira  HIV kuvana — NAC Dr Madzima

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga

HUTACHIONA hweHIV hunotapurirwa kubva kunaamai vane HIV huchienda kumwana panguva yavanenge vakazvitakura uye kune nyaya dzakawanda dzakadai.

Pasi rose, nyika dzakapinda muchirongwa cheFast-Track Strategy chine donzvo rekupedza HIV mugore ra2030 uye kune matanho akawanda akatorwa akava nepundutso.

Kudzivirirwa kweutachiona hweHIV kubva kuvabereki kuenda kuvana, Prevention of Mother To Child Transmission (PMTCT), kwakaonekwa iri imwe nzira yakakosha yekuti vana vange vachizvarwa vasina hutachiona uhwu.

Vachitaura paredhiyo yeHeart and Soul, chamangwiza wesangano reNational AIDS Council (NAC), Dr Bernard Madzima, vanoti murume kana mukadzi vanenge vaine hutachiona vane mikana yekudzivirira hutachiona uhwu kuvana vavanobara.

“Kana vanhu vava kuziva pavamire maringe nehutachiona hweHIV, kana mumwe wavo kana vese murume nemukadzi vaine hutachiona hweHIV, vanokurudzirwa kuti vadzivirire hutachiona uhwu kuti husazoenda kumwana. Zvakakosha kuti vange vachitora mishonga yavo yemaAnti- Retroviral Drugs kuitira kuti vasimudzire utano hwavo vasati vaita pamuviri. Tinokurudzira madzimai kuti ange achinyoresa nhumbu dzavo pazvipatara nemakiriniki ari pedyo navo kuitira kuti mikana yekubara vana vasina hutachiona hweHIV inge yakawanda. Kana mwana achinge abarwa, anofanira kupihwa mukaka wemuzamu chete pasina kumwe kudya,” vanodaro.

Vanotaura nezvekukosha kwekubarira pazvipatara kuitira kuti amai vasapotsa kupihwa mishonga inodzivirira hutachiona hweHIV kumwana uye kuongororwa kwemwana.

“Vechidiki avo vanenge vari kuda kuita vana, vanofanira kutanga vaenda kumachiremba avo kuti vapangwe mazano vakwanise kuzobara vana vasina hutachiona hweHIV. Zvakakosha kuti hutachiona hweHIV hurambe hwakaneteswa mumuviri nekuda kwekunyatsotora mishonga yemaARVs,” vanodaro Dr Madzima.

Mai Noma Beta (risiri zita ravo chairo) vanotsinhira kuti zvinhu zvinoitika kuti vanhu vanenge vaine hutachiona hweHIV vange vachibara vana vasina hutachiona hwacho.

Mai Beta nemurume wavo vese vane hutachiona hweHIV asi vakabudirira kubara vana vasina hutachiona uhwu kuburikidza nechirongwa chePMTCT. Vakaenda kukiriniki vaine pamuviri pane masvondo masere vakatsanangura nyaya yavo zvakaita kuti vabatsirwe.

“Tava nevana vaviri vasina hutachiona hweHIV, ane makore 9 neane 6 okuberekwa uye havasati vambopihwa mubhedha muchipatara nekuda kwekuti vanenge varwara,” vanodaro.

Pasina kurapwa, madzimai ane hutachiona hweHIV, vane mikana yekutapurira kuvana vavo nechikamu che15-45 percent.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey