MUNHUKADZI ‘MANYAMA’. . .

23 Apr, 2024 - 14:04 0 Views
MUNHUKADZI ‘MANYAMA’. . . Mai Sithembile Mukwati

Kwayedza

. Makore 24 achishanda basa remumba

. Mwana adzidza kusvika kuyunivhesiti

. Avakisa musha une mombe dzakawanda

. Atovawo nemushandi wake

Muchaneta Chimuka

NGUVA dzakawanda vanhu vanoita mabasa emumba vanoshorwa, kutarisirwa pasi uye kupihwa mazita anodzikisira zvisinei nekuti kune vamwe vavo vari kuita zvikuru apo vari kuzvisimudzira muupenyu, kuendesa vana kuzvikoro nekutenga masitendi edzimba nemombe, pakati peimwe budiriro.

Mumwe wevashandi vemudzimba vari kudadisa ndiSithembile Mukwati (45), uyo ava nemakore 24 achiita basa iri, uye akakwanisa kuendesa mwana wake kuchikoro kubva padanho reECD kusvika kuyunivhesiti zvose nekuiita mamwe mabasa makukutu.

“Ini ndakatanga basa rekushanda mumba muna2000, pamba pandakatanga kusevenza ndakaita makore mana, pechipiri ndikaita makore 13. Iko zvino pandiri ndava nemakore matanhatu nechidimbu, kureva kuti ndava mugore rechi24 ndiri mubasa iri.

“Ndichiri njanji chaiyo nekuti basa iri ndinorida uye ndinodada naro sezvo richindipa chouviri. Kuchikoro mwana wangu akadzidza kubhodhingi kubva paFomu 1 kusvika 6 akaita 7As, 2Bs neC, kuchizoti paA-Level akaita 13 points. Akaenderera mberi nedzidzo yake kuHarare Institure of Technology University (HIT) kuburikidza nemari yebasa rangu irori remumba,” anodaro.

Sithembile anoti akatenga sitendi, nemombe dzikasvika 18 nekuendesa mwana wake kuyunivhesiti nekuda kwebasa iro rinotarisirwa pasi nevamwe vanhu.

“Ini ndakakurira mumhuri inotambura zvikuru, tiri vana vatanhatu ini ndiri musikana mukuru. Ndakashairwa mari yechikoro ndikagumira Fomu 2 zvekuti handina kana kuzombonyora zamanishoni racho. Ndakaita maricho mumapurazi nemuminda yevanhu ndichisakurira chikafu kudzamara ndazoshandira imwe hama yangu ndichiita basa remumba anova akandikurudzira kuti ndive munhu anozvininipisa muna zvose.”

Sithembile Mukwati ari pabasa rake

Sithembile anoenderera mberi achiti: “Ndakashandira vanhu vatatu saka pechitatu ndipo pandiri pandava nemakore matanhatu, pandakagara zvikuru ndipo pandakaita makore 13 azere.

“Basa remumba ndinorida nekuti rinondipa chouviri. Izvozvi ndakatenga mombe dzangu, ndine mukomana wemombe kumusha anodzichengeta. Asi iko zvino mweya wekuda kuenda pamudyandigere wava kundibata nokudaro ndine hurongwa hwekuvandudza bhizimusi rangu rekuchengeta mombe uye dziri kubereka zvikuru.”

Anoti kushanda kwake ndiko kunodadisa vaanosevenzera zvekuti munguva zhinji vanotoendawo naye kunzvimbo dzamafaro dzakadai sekuKariba, Victoria Falls nekumwe kunofefetera mhepo zvinova zvinhu zvitsva zvaakadzidza mubasa iri.

“Ini, muridzi webasa akaona pandashanda akafara neni zvinondisunungura muhana mangu. Kungobata nguva yandinenge ndakatara kuita basa rangu (target) zvinongondifadza. Pane pekutiwo ndapihwa mari yekungonzi washanda zvakanaka, zvinondikurudzira kushingirira uye kuwana muhoro wangu nenguva zvinoitawo kuti ndironge zveupenyu hwangu nenguvawo izvo zvinondifadza chose. Handina chinonditsamwisa pabasa nekuti ndikatsiurwa pandatadza zvinondipa shungu dzekugadzirisa basa rangu.

“Ndinotenda kuti nebasa rangu ndakakwanisa kupinza mwana wangu chikoro kubva Grade 1 kusvika kuyunivhesiti. Izvozvi ane E-Commerce degree uye ndakwanisa kuvakisa imba kumusha, ndikatenga mombe dzangu ikoko,” anodaro.

Sithembile anoti pakutanga, vamwe vanhu – kunyanya vehukama – vaimuseka vachimupa mazita ezvituko nepamusaka pebasa rake asi zvaimupa hushingi uye aisavadzorera mashoko akaipa.

“Ndakakwanisa kuchengeta amai vangu nedzimwe hama dzairwara nemari yekushanda mumba. Pavakaona zvandakaita vakabva vanyarara sekuti neniwo kusekwa ndanga ndisina basa nazvo, saizvozvi amai vangu ndinovachengeta.

“Shungu dzangu ndedzekutsvaga munda wakati kurei ndiite mabhindauko emombe nekurima zvakaita sebhinzi, madomasi nechibage. Basa rangu ndinotanga na7 mangwanani ndichipedza na5 manheru uye ndichishanda Muvhuro kusvika Mugovera. Asi kubva neMugovera masikati ndinozotora nguva yangu yekuzorora. Nguva yekuenda kana kumusha ndinayo nekuti manguva yezororo yose handishandi. Gore rega-rega, ndine mazuva angu ezororo (leave) andinotora ndichiitawo zvandinodawo nawo,” anodaro.

Sithembile anorayirawo vamwe vanoita mabasa emumba saiye kuti: “Kana uchibuda pamba pemuridzi unofanira kuzivisa muridzi kuitira zvinosara zvichiitika usipo, usatarisisa zvekupopota kwemunhu nekuti unenge uri mushandi. Zvebasa hazvitaurwi kunext door kana kuhama dzake uye tisabata vaenzi va’boss’ neutsinye pamwe nekudya chausina kupiwa. Patinoitirwa zvakanaka, ngatitendeiwo ndapota.”

Sithembile Mukwati nemwanasikana wake Patricia Mugaviri

Sithembile anoyemurawo budiriro yakaitwa nemwana wake, Patricia Mugaviri, uyo ava nemakore 26 ekubarwa sezvo ava munhu akafunda, anozvishandira uye akatotengawo motokari yake.

“Ndaisaziva kuti mwana wangu achanditengerawo keke uye anondirangarira, haana kundirwadzisa asi akateerara zvaitaurwa nevandinoshandira kuti haufanire kuzoshanda mabasa emumba kana kushaya dzidzo sezvakaita amai vako. Izvi zvakamubatsira nekuti shoko iroro akaribatisisa. Vandinoshandira vaibhadhara mari yechikoro yemwana wangu vachizondibatira pamwedzi uye zvakabatsira nekuti ndiri ndoga handaizvikwinisa.

“Hongu, wanano yakaramba mushure mekunge ndamboroorwa nababa vemwana uyu ndichifunga kuti ndayambuka asi zvakakona. Saka kubva ipapo handina kuzoroorwa, ndakangoona zvakakosha kuzviitira ndichirera mwana wangu nekuedza kusandura upenyu hwangu,” anodaro.

Sithembile anokurudzira vamwe vashandi vemudzimba kuti vasabe, vasarova vana vevavanoshandira, vasasvipira mumvura kana kuita humwe hutsinye achiti hazvina kunaka.

“Ini ndine dzimwe mari dzandinotopihwa nevandinoshandira dzisiri dzemuhoro nekuda kwekuti vanenge vafarira basa rangu. Hakuna chinouya chega wakagara, usaenda pamberi pemushandirwi kunyangwe akaita mudiki kwauri,” anodaro.

Sithembile akaberekerwa kwaSabhuku Gudoshava, kwaMambo Masunda, kwaChivi mudunhu reMasvingo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey