Uncategorized

Muporofita osonwa na‘tula’

27 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Muporofita osonwa na‘tula’ Madzibaba Talkmore Muzanenhamo — Mufananidzo naEdward Zvemisha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA weJohane Masowe weChishanu anogara kuGlenwood Park, kuEpworth, anoti apata musha nekuda kwemukweshwa wenyoka nezvinhu zvaanoti zvidhoma izvo zvinomupindira mumba zvichimurwisa.

Madzibaba Talkmore Muzanenhamo (33) uyo ave kugara mumigwagwa yemuHarare mushure mekutiza kumba kwake anoti dambudziko rake rakatanga makore manomwe akadarika apo aibatsira vanhu mumatambudziko avo.

“Ndine dambudziko randitadzisa kugara kumba kwedu inova imba yababa naamai vangu. Ndinoti ndakasvinura kana kuti ndirere, ndinoona zvivanhu zvipfupi zviviri zvine ndebvu refu zvinova zvidhoma sekuziva kwangu. Hazvitaure neni, zvinongopinda mumba kunyangwe dhoo rakavharwa zvondidzipa nekundigara matunduru kudzimara ndisisagone kutaura,” anodaro.

Madzibaba Talkmore anoti kunze kwekurwiswa nezvinhu izvi, kune mukweshwa wenyoka unouya arere kana dai akasvinura, womumoneredza muviri wake wose apo unozomunanzva kumeso. Anoti nyoka iyi inozomusvipira mukanwa nemuviri wake wose zvekuti anosara akatota seadirwa mvura.

“Vabereki vangu vanoziva nyaya iyi asi havagone kundinzwisisa sezvo zvinhu izvi zvichionekwa neni bedzi. Vanotofunga kuti ndinorwara nepfungwa ndokusaka vasingandibatsire.

“Ndokusaka ndakazoona zvangu kuti zviri nani nditize pamba pacho ndisati ndafa,” anodaro.

Anotizve nyoka nezvidhoma izvi zvinomuita chingochani.

“Mumba medu tiri vana vatanhatu vakomana vashanu nemusikana mumwe chete tose tinosangana nematambudziko akakomba.”

Madzibaba Talkmore anoti rimwe dambudziko raanosangana naro nderekuti anorota achishereketa nevanhukadzi vakasiyana.

“Chikumbiro changu kuti dai maikwanisa mandienderawo kune vabereki vangu munovanyengetedza kuti vafambe neni nekuti ini ndoga handichazvigona.

‘‘Kwandinomboenda ndiri ndega ndinonzi ndiuye nevabereki vangu. Simba rangu rechiporofita riri kukurirwa nezvinhu izvi.

‘‘Ndatambudzika, vanhu vandinotaura navo havagone kunzwisisa dambudziko rangu, vanofunga kuti ndiri kuita zvekutamba,” anodaro Madzibaba Talkmore.

Muporofita uyu pari zvino ari kugara pachiteshi chinokwirirwa mabhazi chepanaFourth Street muguta reHarare.

Ane tsamba yekuita basa rehuporofita inoratidza kuti inhengo yesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) iro rinotungamirirwa naSekuru Friday Chisanyu.

Madzibaba Talkmore anoti akatanga zvechiporofita mugore ra2001 apo aiva kuchikoro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vaMadzibaba Talkmore VaConstantine nemudzimai wavo Mai Dadirai Rosemary Manyore.

Sekuru Chisanyu pavakabvunzwa nezvenyaya yekuti muporofita uyu inhengo yesangano ravo here, vanoti, “Ndinoda kutanga ndatarisa mugwaro redu remachiremba nemaporofita kuti munhu akadaro tinaye here,” vanodaro.

VaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni vekwaMadondo, kuMt Darwin vanoti muporofita uyu anofanira kutsvaga vanomubatsira. “Madzibaba ava vanofanirwa kutaura chokwadi kuti vabatsirwe nekuti vakavanza vanofa vachirohwa nezvidhoma nekurumwa nenyoka iyi. Ndinoti vanogona kunge vakabata-bata kutsvaga mishonga pakuzvisimbisa muchiporofita chavo kana kuti vari kurwiswa nevanhu vavakaparadzira zvinhu zvavo zvehuroyi munguva yavaiita basa rekurapa iri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey