Uncategorized

Mupositori omuka chipoko

22 Feb, 2022 - 11:02 0 Views
Mupositori omuka chipoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuNyatsime, kuChitungwiza – uyo ane mudzimai akafa nguva yadarika, ivhu repaguva rake rikazotorwa ndokudyiwa nevamwe vakadzi vemunzvimbo iyi vachiti vairapira mumwe wavo ainge akazvitakura – anoti mushakabvu uyu ava kumuka chipoko icho chiri kuuya mumba maanorara chichigwedebudza midziyo nekuchema.

VaJames Vengai (40), avo kumusha vanobva kuBikita, kuMasvingo, nguva yadarika vakasangana nenyaya yemadzimai maviri ayo akadya ivhu repaguva remudzimai wavo panguva iyo chitunha chaivigwa.

Madzimai akadya ivhu repaguva iri vanoti vakaita izvi nekuda kwekuti mumwe wavo aive nepamuviri ainge aona mutumbi wemushakabvu uyu izvo zvavanoti hazvibvumidzwe pachivanhu, nekudaro vakamurapira nekudya ivhu iri.

Mudzimai wemurume uyu, Chipo Jiri, anonzi akafa achinamata chechi imwe chete inopindwa nemadzimai akazodya ivhu aya.
Chimwezve chishamiso chakaitika ndechekuti mufi uyu akavigwa akapfekedzwa gemenzi remudzimai wamufundisi wechechi yaaipinda.

“Nyaya yava kundinetsa ndeyekuti kumba kwangu hakuchagarika, mudzimai wangu ari kumuka chipoko. Anouya mumba ndakasvinura, dzimwe nguva ndichiona madzengerere, ondifukatira achigwedemutsa midziyo.

“Nezuro chaiye akauya ndokutanga kuchema akanditarisa pasina chaakataura neni,” vanodaro VaVengai.

Murume uyu anoti ari kutsvaga vanogona kumubatsira kuti mudzimai wake asamumukire chipoko.

“Kunze kwekumuona achipinda mumba, ndinonzwa mutsindo wemunhu anofamba panze. Kumba kwemupatya wemudzimai wangu, Faith Jiri, kuri kuitikawo zvimwe chete zvekunzwa mutsindo pamusoro pemba kana huri husiku,” vanodaro VaVengai.
Vanoti vakazivisa vanatezvara vavo nezvenyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey