‘Muramu anondipindira mubhedhuru ndirere’

08 Jan, 2016 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Nyasha Chabvonga
MUKADZI wekuDomboshava wekuti ari kupfuviswa nemunin’a wemurume wake uyo anomupindira mumba arere akatozopotera kudare.

Pamela Makombe akamhan’arira muramu, munin’ina wemurume wake, Brighton Kapfudza, kuHarare Civil Court achiti anomushungurudza pamwe chete nemwana wake kubudikidza nekutukwa kupindindirwa mumba pakati pehusiku vakarara.

“Changamire, ava ndibabamunini vangu asi hunhu hwavo ndahutadza ini. Vanondituka nemashoko anorwadza vachinditi ‘hure ibva pano’ zvekuti ndinotoshaya kuti ndakavatadzirei.

“Kana zvakakwidza vanondipindira mubhedhuru mangu pakati pehusiku ndakarara votanga kundiudza kuti, ‘Hazvina kana basa uye hapana chinoshamisira pauri chaungahwanda nacho’. Kuita kwavo uku kwandikona,” akadaro Makombe.

Akaenderera mberi achiudza dare kuti anopomerwa zvakare mhosva dzaanenge asina kupara achipumhwa huroyi.

“Vanondirambidza kubikira mwana chikafu vachindidzimira chitofu nekuburitsa midziyo yangu panze. Vanonditi ndinovaendera kun’anga kuti vatadze kubudiririra muupenyu,” akadaro Makombe.

Kapfudza akapikisa zvakataurwa naMakombe achiti iye haana chaanoita chakaipa asi kuti haadi kuti agare pamba pemukoma wake sezvo akasiiwa nemukoma wake kuti achengetedze musha.

“Ndinopokana nezvataurwa namaiguru. Ivo ndivo vasingadi kuti ndigare navo asi vachizviziva kuti mukoma vakati ndivachengetedze zvose nemusha.

“Zvavareva inhema, ivo ndivo vanotondikandira mamonaki angu panze kana zvakakwidza voaisa mubhedhuru mavo futi. Saka zvavari kureva kuti ndinovapindira ndinenge ndichida hembe dzekuchinja.

“Kana iri nyaya yechikafu ndinovatengera kuti mwana awane kudya uye handidye pamba nokuti handiswere ndiripo,” akadaro Kapfudza.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Makombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey