Muromo waMangwiro wamuparira

26 Aug, 2022 - 13:08 0 Views
Muromo waMangwiro wamuparira Taurai Mangwiro

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weHarare City FC – Taurai Mangwiro – aripiswa US$1 250 nePremier Soccer League (PSL) zvichitevera mashoko aanonzi akataura munhau apo chikwata chake chakakundwa necheChicken Inn 2-0 mumutambo weChibuku Super Cup.

PSL yazivisa kuti yaripisa Mangwiro mari iyi mushure mekumubata nemhosva yekutyora mutemo wavo.

Muchinyorwa chakabva kuPSL, mukushi wemashoko kusangano iri, Kudzai Bare, anoti: “Murairidzi weHarare City Taurai Mangwiro abatwa nemhosva yekusvibisa nhabvu zvichitevera mashoko aakataura apo chikwata chake chakatamba neChicken Inn mumutambo weChibuku Super Cup kuLuveve nemusi weMugovera.

“Mangwiro aripiswa US$1 250. PSL inoyeuchidza zvikwata mitemo yayo uye tinovakurudzira kuti vasataura mashoko ekuti pane kakubirirwa karipo kubva kuvaridzi vepembe izvo zvinosvibisa nhabvu yedu.

“Tinodzokorodza zvekare kuti kana pane kukunyutwa nevaridzi vepembe, ngavanyorere kuPSL.”
Mangwiro mushure mekunge chikwata chake chakakudwa necheChicken Inn 2-0 akataurira vatori venhau kuti:

“Chiitiko chazosvitsa pakunwisa kweChicken Inn pakutanga, rangarirai kuti ndanga ndichiri kutaura nemuridzi wepembe wechina nekuti ndaona kuti hapana munhu ange akuvadzwa. Hapana mutambi weChicken Inn aratidzira nezvazvo.

“. . . ende kubva ipapo ndipo tabva tanwiswa. Zvinhu zvidiki-zvidiki, asi pakupera kwezuva, zvinotikanganisa isu sevarairidzi. Muridzi wepembe mumwe chete uyu svondo radarika neBulawayo City chii chakaitika? Mutambo weBulawayo City neCAPS United, ende nhasi aripo pakati, achiridza pembe futi mumwe mutambo.

“Tiri kuti mabatiro aakaita mutambo weBulawayo City ndiwo akanakisa here zvekuti anofanirwa kupihwa mimwe mitambo yekuridza pembe?”

Kuripiswa kwaMangwiro kunotevera kwaNorman Mapeza weFC Platinum naJohannes Nhumwa weManica Diamond avo vakabva kuripiswa nePSL nguva pfupi yadarika mushure mekushoropodza varidzi vepembe zvichitevera kupera kwemitambo yezvikwata zvavo.

Asi vatsigiri venhabvu vari kushora PSL vachiti inongotarisa divi rimwe chete revarairidzi ava ichisiya varidzi vepembe vachikanganisa pasina kutorerwa matanho.

Vatsigiri vari kuti varidzi vepembe vari kukanganisa kakawanda, pamwe pacho vachiitira zvimwe zvikwa tsvete – kunyanya chimwe chikuru chemuHarare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey