Muroora orikita amwene

11 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Muroora orikita amwene

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kuoneswa pfumvu nemuroora anova mukadzi wemwanakomana wemurume wake uyo anogara achimuzvambaradza.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Constance Munemo akaendesa Tendai Dzimbiri achiti anomutuka nekumurova.

“Muroora uyu mumwe musi akandirova ndokundituka kuti ndiri muroyi uye ndiri kumutadzisa kuti hupenyu hwake hufambe zvakanaka,” anodaro Munemo.

Achipawo divi rake, Dzimbiri anoti haana kurova Munemo asi kuti vakarwa.

“Handina kuvarova asi kuti takatorwa uye handina kumbovati muroyi, ndakangovati vasiyane nehupenyu hwangu,” anodaro.

Dzimbiri akapikisana nekuti amwene vake vapihwe gwaro redziviriro achiti vanochera mvura pamugodhi mumwe chete uye ndiye anovapa chikafu chinotengwa nemurume wake.

Mutongi Mandlenkosi Ndlovu vakapa Munemo gwaro redziviriro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey