Uncategorized

Muroyi akazviitira tsvina abatwa

17 Jun, 2021 - 13:06 0 Views
Muroyi akazviitira tsvina abatwa

Kwayedza

Liberty Dube

MUDZIMAI anogara mubhuku raChiutani, kuChimanimani, wekubvuma kuti muroyi, akamiswa mudare raMambo Saurombe nemhosva yekuda kubvuta kasvava kubva kune mumwe mukadzi waanogara naye mubhuku rimwechete apo ainge ari musvo.

Zvinonzi Enesis Kaisa akabatwa asina kupfeka ari pamusha paEsnath Muyambo apo aida kubvuta kamwana aka.

Kaisa anonzi akazozviitira tsvina apo aidzungaira pamusha paMuyambo mushure mekunge abatikidzwa.
Mudzimai uyu akareurura kuti aive nechinangwa chekuuraya mwana uyu uye achiti ainge atumwa nemumwe mugari wemubhuku ravo anova mukuru wevaroyi.

Kaisa akamiswa mudare raMambo Saurombe musi weMugovera wadarika panzvimbo yeBiriri Business Centre apo akapihwa mutongo wekuti abvise mombe mbiri musi wa19 Chikumi usati wadarika mushure mekunge abvuma mhosva yake yekuita mabasa ehuroyi.

“Esnath Muyambo anozivikanwa semhare panyaya dzekunamata. Anochengetedza musha wake kubva kuvaroyi nevamwe vanoshereketa kuburikidza nemiteyo.

“Muzukuru wake ndiye aida kubvutwa musi uyu asi ainge akachengetedzeka. Kwainaya musi iwoyu uye Kaisa aive ari musvo paakabatwa achida kupinda mumusha waMuyambo.

“Akabatikidzwa naMuyambo apo aive achiri mamita 200 asati asvika pachivanze chemusha,” vanodaro Mambo Saurombe.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tsvakurudzo yakaitwa inoratidza kuti Kaisa akange atumwa nemumwe anodzidzisa varoyi (witchcraft instructor) munzvimbo mavo. Tichamushevedza kuti auye kudare nemusi wa19 Chikumi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey