Murume adhumana nemashoko anoti mwana wechipiri handi wake

09 Oct, 2022 - 13:10 0 Views
Murume adhumana nemashoko anoti mwana wechipiri handi wake

Kwayedza

Tanyaradzwa Mujati

MURUME wekuMutare anonzi akagurwa kunorira paakaona mashoko munhare yemudzimai wake inoti mwana wavo wechipiri waiti ndewake ndewechikomba.

Tavonga Kawura akabva apererwa ndokurongedza hembe dzake achibva abuda mumba make mushure mekufumuka kwegure iri.

Zvisinei, mutoro wekuchengeta vana oga waita kuti aiva mudzimai waKawura, Brenda Chitera, aende kudare redzimhosva rekwaMutare achida mari yemendenenzi yekuchengetwa mwana wavo wekutanga.

Achipa umboo pamberi pemutongi wedare reMutare Magistrate Court, VaXavier Chipato, Kawura anoti akazoziva kuti mwana wavo wechipiri ndewechikomba kuburikidza nemashoko aakaona munhare yaChitera.

Mashoko aya, Chitera anonzi ainyengerera chikomba chake chinonzi Gono kuti chitore mwana wacho uye amuzivise kumhuri yake chaiyo.

Mugwaro remendenenzi, Chitera ari kuda US$100 pamwedzi kubva kuKawura.
Zvakadaro, Kawura anoti mari iyi yakawandisa sezvo achitambira $92 000 pamwedzi.
Anoti akagadzirira kubhadhara mari yemwana kuchikoro, achipawo zvimwe zvinodiwa nemwana sezvo mari yemendenenzi iri yevabereki vose. Kawura anoti Gono anofanirawo kuchengeta mwana wake.

“Ndichiri kugumbuka nekuda kwekunyengerwa kukuru kwandakaitwa naChitera. Ko aigodanana sei nechikomba chake kusvika pakupihwa pamuviri? Ndakabhadhara mari yekumurapisa aine pamuviri, kuita gadziriro yemwana akazozvarwa uye nekurapisa zvakare mwana wemumwe murume.

“Ndakatozoziva munaKubvumbi mwana ava nemwedzi misere yekuberekwa kuti haasi mwana wangu,” anodaro.

Kawura anoenderera mberi achiti: “Ndichiri kuedza kugadzirisa nyaya iyi. Ndakasiya imba yangu yewanano ndisina chandinacho kunze kwenyadzi chete.”

Anoti Chitera akakumbira mari yemendenenzi mushure mekusiiwa naGono. Achipindura, Chitera anoti zvinodiwa nemwana zvinofanirwa kuuya pekutanga zvisinei kuti chii chakaitika. Anoti vanofanira kubatsirana pakurarama kwemwana wavo.

Akazodzikisa mari yaaida yemendenenzi kusvika paUS$60 asi Kawura akaramba akatsika madziro kuramba.

“Munhu anogara nemwana anoshandisa mari yakawanda nekuda kwezvinhu zvinodiwa. Iniwo ndine mumwe mwana wandiri kuchengeta uye mutoro wacho uri kundikurira.
“Anongova nemwana mumwe chete uye haana kuroora,” anodaro Chitera.

VaChipato vakapa mutongo wekuti Kawura abhadhare $15 000 pamwedzi pamwe nekubhadhara mari yechikoro neyekufambisa yemwana wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey