Uncategorized

Murume akaba chingwa chaJesu

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
JESU akanga apa vanhu zviuru zvishanu chingwa nehove vakadya, vakaguta zvekutosiya zvimwe. Mushure mekunge vanhu vaguta, Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vaunganidze chingwa chese nehove zvakanga zvasara nemafufu azvo.

Asi pane mumwe murume ainzi Bhanabhasi aive nendebvu dzinenge dendere regunguwo. Bhanabhasi akaba chingwa nehove zvakanga zvasara akazviisa mubhegi rake vadzidzi vaJesu vasati vazvitora.

Vanhu vese pavakaenda kudzimba dzavo, Bhanabhasi akadzokerawo kumba kwake. Ainge achifara zvekuti maziso ake akawira mukati semvura yemugodhi wakadzika aipenya. Akanga achifamba achidambura chingwa nenyama achitsenga zvishoma nezvishoma semombe inozeya.

Pasina nguva, akasvika muguta rake. Akadarika nepaive nemumwe murume aive bofu ainzi Kiropasi. Kiropasi aive bofu zvake, asi aiziva Bhanabhasi nekuda kwekufamba kwake kwainge munhu akasungirirwa masaga mumakumbo. Kiropasi akabva ati, “Ndiyamurewo nezvekudya Bhanabhasi.”

Bhanabhasi akabva amira, akabatisisa bhegi rake akati, “Handina kana chinhu ini Kiropasi. Sei uchingofunga kuti pese pandinodarika nepano ndinenge ndine zvekudya? Patichaita musangano svondo rinouya nevakuru ndichavaudza kuti une nzara. Pamwe tinogona kuita mudeme mudeme tikakubatsira.”

Bhanabhasi akabva akunguruka sezinhanga achienda.

Asi achingoti paseri pedzimba dzana Zakeyo muteresi pote, akabva asangana nemumwe murume ainzi Josefa akanga asungwa nekuti aive asina mari yemutero wekupa Kesari. Josefa akati kuna Bhanabhasi. “Shamwari, ndiyamurewo. Unogona kutengesa imwe hwai yako undibhadharirewo mari yemutero ini ndozokushandira. Ndasiya vana vangu nemukadzi vachichema.”

Asi Bhanabhasi akamira akazembera madziro akati, “Usatye, ndichanokunamatira kuti usunungurwe.” Mashoko ake akanga asina chokwadi. Aiita semota isina mavhiri, mota isina kwainoenda.

Bhanabhasi akafambisa achienda kumba kwake achida kukurumidza kukanganwa nezvaJosefa. Nechemumwoyo make aiti, “Josefa anopenga kwazvo, ini kutengesa imwe yehwai dzangu 100, ndigosara ne99, hazviite!”

Ari muchitima chepfungwa kudaro, akaridza tsamwa achidarika nepamba paive nemukadzi airwara zvikuru. Hama dzemukadzi uyu dzakanga dzaungana, uye dzapererwa. Bhanabhasi akazviona kuti pamba apa pairwariwa. Akabva afambisa achitenda Mwari kuti akanga ane hutano, achiri kugona kudya. Akabva any’udza ruoko mubhegi rake akadambura kanyama kehove yaakanga aba kuye kwaive kwapihwa vanhu zvekudya naJesu akati, “Iyi ndiyo inonzi hove inonaka kudarika mazambiringa emumunda mamambo.”

Bhanabhasi achiterera kunaka kwechimedu chehove, akafamba achitsenga ndokunopinda nemugwagwa wekutsime. Ipapo akaona varume vaviri vaive vasina pekugara. Bhanabhasi akavakwazisa, asi haana kuvapa kana chingwa kana hove zvaive mubhegi make. Asi akavaudza kuti akanga abva kuungano yaJesu akaona zvishamiso zvakawanda.

Akavaudza kuti, “Musanetseke zvenyu kuti hamuna pekugara panyika pano nekuti Mwari anokufukidzai nerudo rwake.” Adaro, akabva aenda achisiya varume vaye vakatarisana.

Paakasvika kumba kwake, Bhanabhasi akatambirwa nemudzimai wake nevana. Akapihwa mvura yekugeza tsoka dzake dzakanga dzazara guruva.

Akafara kuti vafudzi vehwai dzake vakanga vadzoka vachiti kune hwai nhatu dzakanga dzabereka. Akapihwa zvekudya, asi zvimedu zvehove nechingwa zvaive mubhegi make akazvichengeta kuti azozvidya ega.

Manheru emusi uyu, akaenda kunorara achifara nekuda kwekufamba zvakanaka kwakanga kuchiita hupenyu hwake. Asati abatwa nehope, akafunga Josefa akanga asungirwa kushaya mari yemutero. Akarangarira kuti akanga akanganwa kumunamatira sezvaakanga avimbisa kuti achaita. Bhanabhasi akati nechemumwoyo, “Zvekunamatira vanhu vane matambudziko zvinoda Jesu, ini ndaneta zvangu saka rega ndimbozorora.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey