Uncategorized

‘Murume akatorwa ini ndiri kuruzevha’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Janet Chari—

MUMWE mudzimai anoti akagurwa kunorira apo akazoziva kuti mukadzi waaichengeta achifunga kuti anoshanda pamwe chete nemurume wake anotova nyachide.Mudzimai wechikuru — uyo akangozivikanwa nezita rekuti Tabvuma — akamhan’arira Hilda Magaya kudare reHarare Civil Court achiti akamutorera murume wake zvose nemba yake yemuHarare, apo iye aigara kumusha. Anoda kuti mukadzi uyu abve pamba apa. “Pose pandaiuya kuHarare, ndaimuwana ari kumba kwangu achindiudza kuti anogamuchira vaenzi vanobva kunze kwenyika vachiuya pamba pangu uyezve anoshanda nemurume wangu,” anodaro Tabvuma.

Anoti akazoshamiswa apo akauya kuHarare rimwe zuva akawana midziyo yake pamwe nehembe zvaiswa panze.

“Mubhedha wangu akawaranyura achirasa panze — mandiro, mapoto zvose nehembe dzemukati akarasa. Ave kutoti musha ndewake,” anodaro Tabvuma.

Anoti akazoziva kwapera nguva yakareba kuti Magaya anotova mudzimai wemurume wake mushure mekunge aenda kumapurisa kuti vanoyananiswa, uko kwakanobuda chokwadi.

“Akati ini ndakarambwa kare nokuda kwechipfambi uye iye akaroorwa nemurume wangu saka pamusha apa patova pake, ini nemwana wangu tave kufanira kubva,” anodaro Tabvuma.

Magaya anopokana naTabvuma achiti murume wake akamuudza kuti vakarambana.

“Murume akandiudza kuti makaramba mwana wako uyo atova mhandara achiri nemakore mashanu. Ini ndakatofara ndikati ndamuwana wangu,” anodaro Magaya.

Anoenderera mberi achiti, “Ndatogara nemurume uyu kwemakore mashanu apfuura, handizvizive kuti ane mukadzi nokuti akanditi akarambana naye uyezve handina kumboona mukadzi uyu kwemakore ose aya.”

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaTabvuma achiti anofanira kuenda kumatare anoona nezvekubviswa kwevanhu vanenge vachiramba kubva padzimba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey