Uncategorized

Murume ane hutsinye . . .aida kupfekera mukadzi kamba

05 Feb, 2015 - 14:02 0 Views
Murume ane hutsinye . . .aida kupfekera  mukadzi kamba

Kwayedza

Achimurova nesimbi

Omuswinya nepinjisi

. . . asina kupfeka

Kingstone Mapupu
HAKUNA hutsinye hunodarika apa!
Rinoita kunge firimu, kuti mudzimai anogara achizvambaradzwa nesimbi miviri wose asina kupfeka, anodashurwa pasi petsoka zvekusvika pakutadza kufamba uye achitswinywa nepinjisi.

Sezvinonzi izvi kushoma, mukadzi anosvika pakuda kubviswa mimba kamwana kachiita zvekudhonzwa nepinjisi uye anopotsa apfekerwa kamba mhenyu nekusikarudzi kwake.

Zvose izvi zvichiitwa “nechibayamoyo” chaakachata nacho: murume wake.

Izvi ndizvo zviri kuitwa mumwe mukadzi wekuUnit O, kuChitungwiza uyo anoti kwenguva refu ange akanyarara nekuda kuchengetedza wanano yake nemurume.

Asi zvino mudzimai uyu afunga kubuda pachena nechikonzero chekuti muviri wake waibva nekuitirwa hutsinye nemurume waakazvipira kuti “dakara tife”.

Kuzobuda pachena kwemukadzi uyu kunotevera kupotsa apfekerwa kamba mhenyu nekusikarudzi nemurume uyu nguva pfupi yadarika munyaya inofungidzirwa kuti ine chekuita nemishonga yekuromba.

Nyaradzo Musokeri (32), uyo ane pamuviri pane mwedzi mina, anoti aigara achirohwa nemurume wake, Talent Musokera (31), uyu nguva nenguva aimuruma nepenjisi apo aiti aida kubvisa pamuviri apa achishandisa mudziyo unobatiswa simbi uyu.

Mudzimai uyu anoti zvakare murume wake aimurova pasi petsoka pamwe nemuviri wose apo ainge ari musvo vana vavo vakatarisa.

Nyaradzo naTalent vane vana vatatu uye murume uyu akapotserwa mujeri kupera kwaNdira wegore rino mushure mekubatwa nenemhosva yekushungurudza mukadzi wake.

Nyaradzo akataura neKwayedza nemusi weChipiri svondo rino:

“Ndinogara ndichirohwa, ndichitanga ndanzi bvisa mbatya dzose kusanganisa chipfeko chemukati ndorohwa nebhandi kana chinhu chose-chose chaabata. Vana vangu vanenge vakatarisa ndichirohwa vachinzi vasacheme neni wacho. Murume wangu akanotora kamba kumapurazi ndokuuya nayo akaiisa mundiro yesilver iyo anonzi akanopihwa nemumwe mudhara wekuMalawi. Akanga ava kuda kundiisa kamba iyi nekunhengo kwangu zvikandinetsa ini ndiine pamuviri kudai.”

Nyaya iyi anoti yakaitika husiku hwemusi wa20 Ndira mushure mekunge, senguva dzose, ambotanga azvambaradzwa.

“Musi uyu, murume wangu akabuda panze ndokutanga kutsvaga kamba iya achibva aishaya. Ini ndaishaya kuti ndotiza sei, hamuna munhu anogona kundidzivirira muno nekuti murume uyu anotyisa. Anogara achiti akangondiuraya anobva auraya vana nemushonga weParaquat iye ozviurayawo,” anodaro Nyaradzo.

Kamba iyi, anodaro, yakagara kwesvondo rose murume wake achiichengeta pamba pavo nechinangwa “chandaisaziva”.

Nyaradzo anoti Talent anogara achitaura kuti vana vavo vose vari vatatu havasi vake asi vezvikomba, “kusanganisira iyo mimba yandakatakura iyi”.

“Masvondo akadarika aya ndakarohwa zvekupotsa ndafa, ndakabviswa hembe, murume wangu achindiruma muviri wose nepinjisi. Akandivhurisa makumbo ndokutanga kundiruma nepinjisi kusikarudzi achiti aida kuburitsa mwana ari mudumbu.

“Chikonzero chacho aisataura, anonditi ndinorara nevarume vakawanda muno (muChitungwiza). Hama dzake, kusanganisira amai vake nevakoma vacho, vanozviziva. Ndinoendako asi hapana danho ravanotora,” anodaro. Mudzimai uyu anoti pane imwe nguva yaakamboroverwa pasi mutara mumugwagwa vanhu vakayeva asi hapana akamudzivirira.

“Amai vangu nedzimwe hama vaneta nekushungurudzwa kwangu, uye vanoti vangomirira kufa kwangu. Ini nemurume uyu takachata muchato mukuru apo taidanana zvikuru. Hamheno kuti murume uyu kuputa kwaave kuita mbanje here nekutora zvimwe zvinodhaka seZed.

“Handizive kuti mwana waaida kuburitsa mudumbu nepinjisi uyu aida kuzomuitisei,” akadaro Nyaradzo achida kuchema.

Zvisinei nekushungurudzwa uko anoitwa, Nyaradzo haana kubuda pachena kuti achiri kuda murume wake here uyu kana kuti kwete.

“Murume wangu haashande, anoita zvekukiya-kiya, kukanya zvidhinha nemamwe mabasa. Ini ndaishanda ndiri receptionist akandiburitsisa basa.

“Imba yatinogara ndeyangu yandakatengerwa nehama dzangu nambuya saka dzimwe nguva anoda kuti ndife here iye osara nemba nekuti anogara achitaura kuti ndepake pano.”

Mumwe mudzimai akaramba kudura zita rake uyo anogara munharaunda iyi akati havana zvavaigona kuita panyaya yekushungurudzwa kwaNyaradzo sezvo murume wake iri “shumba chaiyo”.

“Isu taigara tichiti amai ava sungisai murume vachiramba, tichivati munouraiwa ivo vachingoshinga,” akadaro.

Kamba inonzi yaida kupfekerwa mudzimai inonzi yakazobatwa nemapositori echechi yeJohane Masowe weChishanu ikapiswa kusowe raMadzibaba Elias, kwakare kuChitungwiza.

“Takaenda tese kumasowe uku tikanotaurirwa kuti kamba iyi aida kuishandisa kuti awane mari zhinji pamishonga iyo akanopihwa kun’anga,” akadaro Nyaradzo.

Muporofita anonzi ndiye akabvisa kamba iyi pamba apa, Madzibaba Elias Chatara (27) vekuChiweshe, vanoti vakatuma mapositori mana avo vakanorwisana nechipuka ichi kwechinguva.

“Murume uyu akanopihwa kamba iyi kun’anga kuBanket achinzi azoiisa kunhengo dzakavandika dzemudzimai wake kuti aite mari zhinji. Asi dai zvakakwanisika kuti kamba iyi iiswe amai ava vaibva vangofira ipapo. Iye murume wacho aizongoti vangofuma vakafa,” vakadaro Madzibaba Elias.

Aona zvanyanyisa, Nyaradzo ndipo paakazomhan’ara nyaya yekushungurudzwa kwake kumapurisa ikazopinda kudare redzimhosva reChitungwiza Magistrates Court. Talent akapihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi misere.

“Nyaya iyi yakapinda mudare kupera kwaNdira, Talent akapihwa mwedzi 12, mimwe 4 yakazoiswa parutivi akanzi achapika 8. Asi ndiri kutya kuti akabuda anosvikondiuraya,” akadaro Nyaradzo. Mutongi munyaya iyi aive Lazarus Murendo muchuchusi ari Norman Koropi.

Kumadziro muimba yekugara yemhuri iyi kwakanyorwa-nyorwa nemurume uyu zvinhu zvakasiyana kusanganisira mashoko ekuti “Ndakakupa gupuro kare re10c”.

Mudzimai uyu anoti akadzidza kusvika Form 6 uye ari kuda kutsvaga basa kuti akwanise kurarama nevana.

“Ndave kuda basa ndishandire vana vangu. Ndinoda kutsvaga rubatsiro kuti murume uyu asarambe achindishungurudza. Vanogona kundibatsira vanondibata panhamba dzinoti 0776 193 706,” akadaro Nyaradzo.

Nyaradzo akafirwa nababa uye anoti amai vake vanogara kuZengeza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey